Accessibility links

Breaking News

Musangano weUNWTO Wofadza Vazhinji


Victoria Falls
Victoria Falls
Musangano mukuru wechimakumi maviri we United Nations World Tourism Organisation General Assembly, uyo uri kuitirwa kuVictoria Falls ne Livingstone, unonzi uri kufamba zvakanaka.

Imwe nhengo yekomiti iri kuona nezvemusangano uyu, uye vari mukuru we kambani ye Love For Africa, Va Blessing Munyenyiwa, vanoti musangano uyu uchabatsira zvikuru mukuvandudza hupfumi hwenyika, zvikuru munzvimbo dzeVictoria Falls.

Va Munyenyiwa vanoti vari kutarisira kuti vachawana mabhizinesi kubva kune vamwe vashanyi vari pamusangano uyu avo vanoda kusima mari dzavo muZimbabwe.

Musangano uyu wakaparurwa neSvondo zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Gurokota rezvekushanya nekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti musangano uyu uri kufamba zvakanaka kunyange hazvo vasina kuwana mukana wekutaura neStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG