Accessibility links

Breaking News

United Nations Inopemberera Kusvitsa Makore Makumi Manomwe neMashanu Yaumbwa


Sangano reUnited Nations rakaumbwa muna 1945 mushure mehondo yepasi rose yepiri, nechinangwa chekuunza runyararo.
Sangano reUnited Nations rakaumbwa muna 1945 mushure mehondo yepasi rose yepiri, nechinangwa chekuunza runyararo.

Sangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rose, nreUnited Nations, raita musangano mukuru kwazvo senzira yekucherechedza makore makumi manomwe nemashanu raumbwa muna 1945 senzira yekushandura zvinhu kuburikidza nerunyararo.

Musangano mukuru uyu uri kuitwa pachishandiswa madandemutande sezvo gore rino pasina kuungana sezvagara zvichiitwa makore ose adarika nekuda kwe coronavirus.

Musangano wevatungamiri venyika nedzihurumende uri kutarisirwa kutanga neChipiri vatungamiri ava vachishandisawo madandemutande.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutaura nemusi weChina svondo rino, vaine kurudziro yekuti sangano reUnited Nations ritore matanho ekuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe, uye kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango izvi dzirangwe.

Mhemberero dzekucherechedza makore makumi manomwe nemashanu idzi dziri pasi pedingindira rinoti “Remangwana ratinoda, United Nations yatinoda: Kusimbisa chisungo chedu chekushanda pamwe”, kana kuti “The future we want, the United Nations we need: Reaffirming our Collective Commitment to Multilateralism”.

Studio 7 yakundikana kubata munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou pamwewo nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vane nharembozha yanga ichirira asi isiri kudairwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya vanoti vanoona sangano iri sekunge riri kuita zvarakaumbirwa zvekuunza runyararo, kunyange hazvo pachine zvimwe zvinoda kugadziriswa kuti sangano iri rifambe sezvinotarisirwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG