Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe United For Progress Rinobatsira Vasingaoni Vari muSouth Africa


Sangano reZimbabwe United For Progress rakapa rubatsiro rwechikafu kune vasingaoni vari muJohannesburg, South Africa.
Sangano reZimbabwe United For Progress rakapa rubatsiro rwechikafu kune vasingaoni vari muJohannesburg, South Africa.

Sangano idzva rakaumbwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa kuti ribatsire vana veZimbabwe vangadai vari kutambura munyika iyi, re Zimbabwe United For Progress, neChitatu rakapa zvekudya kumhuri dzevasingaone dzinodarika makumi mashanu.

Mhuri idzi dzaimborarama nekupemha mumigwagwa yeguta reJohannesburg asi nekuda kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu munguva ino yeCovid-19 munyika, mhuri idzi dzakasara dzisisana chekubata.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe United For Progress, VaKennedy Mapesa Mandaza, vanove zvakare mutauriri webato reZanu PF mudunhu reSouth Africa, vanoti vakatora danho iri nekuona kuti mhuri idzi dzakange dzave kutambura zvakanyanya nekuda kwemutemo unodzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 uyu.

VaMandaza vanoti mune remangwana vanotarisira kuti mhuri yeZimbabwe yakawanda ichapindawo muchirongwa chavo chekubatsira vanoshaya ichi, vachikurudzirawo vari munyika dzakasiyanasiyana kuti vaitewo zvimwechete zvekubatsira vekumusha vanenge vachitambura kuitira kuti vasazomanikidzwa kutyora mitemo munyika dzavagere.

Hurukuro naVaKennedy Mapesa Mandaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG