HARARE —
Rwendo rwechikwata cheUnited Nations chiri kuda kuuya munyika kuzoongongorora kuti Zimbabwe inokodzera kuwana rubatsiro rwemari yekuita sarudzo rwasangana nemamwe matambudzik sezvo pasina kuwiririna pavavakuru vehurumende yemubatanidzwa pamusoro perwendo urwu.
Mutungamiriri wehurumende VaMorgan Tsvangirai, vachitaura mushure memusangano nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende VaArthur Mutambara wakaitwa neMuvhuro neChipiri vati hapana kuwirira muhurumende pamusoro pekuti chikwata ichi chichaona ani kana chichinge chauuya.
VaTsvangirai vati chikwata cheUN ichi chirikuda mvumo yekusangana nawese wachinoda kana chauuya asi vamwe muhurumende vanoti chinofanira kuona makurukota nemasangano ane chekuita nesarudzo chete.
Kunyange hazvo gurukota rezvemari VaTendai Biti vakazivisa kuti vainge vawirirana nezvemazita emasangano achasangana nechikwata ichi, VaTsvangirai vati vadzorera nyaya iyi kumakurukota maviri aya kuti ataurirane zvekare nechikwata ichi. Kuuya kwechikwata ichi kunotevera chikumbiro chemari yekuita sarudzoi chakaitwa neZimbabwe.
Chikwata ichi chakarambidzwa kuuuya svondo rapfuura naVaPatrick Chinamasa vachishanda nevamwe vavo muZanu-PF. VaTsvangirai vati rubatsiro rwemari iyi runodiwa uye rwakakosha zvikuru kuti nyika iite sarudzo.
Asi vati kunyange hazvo vari kuda rubatsiro rwemari kubva kuUnited Nations, vari mumushishiwo rekutsvaga mari mukati menyika. Vati nekuda kwaizvozvo vachaita musangano svondo rinouuya naVaBiti, VaChinamasa nemumwe wevatevedzeri wavo muhurumende VaArthur Mutambara wekuona kuti mari yesarudzo yatsvagwa.
Vatiwo zuva resarudzo harisati ratarwa uye VaChinamasa naVaEric Matinenga vakapihwa mukana wekubuda negwaro iro vatungamiriri nehurumende vachashandisa mukubuda nezuva resarudzo.
VaTsvangirai vatiwo zvakakosha kuti dare reparamende riite basa rese rinodiwa pamwe nekusandura mitemo yese inodiwa risati ramira kushanda muna Chikumi. VaTsvangirai vatiwo zvakakosha kuti vanhu vanyorese kuvhota vakati varikutsvagawo mari yekuti chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota chichitanga kuitwa.
Zvichakadaro, rimwe remasangano anomirira vadzidzi vemuzvikoro zvikuru reZimbabwe National Students neChishanu rakazivivisa kuti rwendo runo vechidiki vanoda kupinda musarudzo.
Mutungamiri wechimwe chikwata chevadzidzi VaPride Mukono vatiwo chirongwa chekunyoresa vanhu vachavhota chinofanira kuitwa muzvikoro zvepamusoro.
VaMukono vati sangano ravo rinotsigira masangano anorwira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere uye anotsigirawo pfungwa yekuti zvikwata zveMDC zviri muhurumende zviite mushandirapamwe musarudzo dzinotevera kuti zvikwanise kubvisa hutongi hwaVaMugabe nebato ravo reZanu-PF.
Zimbabwe inotarisirwa kuita sarudzo gore rino uye sarudzo idzi ndidzo dzichapedza hurumende yemubatanidzwa.