Accessibility links

Breaking News

Zviri Kubuda Zvinoratidza Kuti VaYoweri Museveni, Vari Kutungamira Musarudzo yeMutungamiri weUganda


Mutungamiri wenyika yeUganda, vaYoweri Museveni vanonzi vari kutungamira nezvikamu zvakawanda zvemavhoti averengwa, vachiteverwa naVaRobert Kyagulanyi, vanozivikanwa nekuti Bobi Wine.
Mutungamiri wenyika yeUganda, vaYoweri Museveni vanonzi vari kutungamira nezvikamu zvakawanda zvemavhoti averengwa, vachiteverwa naVaRobert Kyagulanyi, vanozivikanwa nekuti Bobi Wine.

Zviri kubuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa kuUganda nezuro, zvinoratidza kuti mutungamiri wenyika ivi, VaYoweri Museveni, vari kutungamira zvine mutsindo, vachiteverwa nevari kuvapikisa VaRobert Kyagulanyi, vanozivikanwa nezita rekuti Bobi Wine.

Patanyora nyaya ino zvanga zvaburitswa neboka rinotungamira sarudzo muUganda reElectoral Commission, zvinoratidza kuti VaMuseveni vari kutungamira nezvikamu zvinodarika makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana kana kuti zvinodarika 65 percent, zvemavhoti anga averengwa kubva kunzvimbo dzekuvhotera dzinoita zviuru zvisere nemazana matatu negumi.

Vari kuvatevera, VaKyagulani, vanga vave zvinodarika zvishoma zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti zvinodarika 27 percent.

Uganga ine nzvimbo dzekuvhotera dzinokwana kuita zviuru makumi matatu nezvina nemazana matanhatu ane makumi masere neina, kana kuti 34, 684.

Asi VaKyagulanyi vanonzi vazivisa kuti pakave nekubiridzirwa kwesarudzo kwakanyanya, uye kutyisidzirwa kwevanhu, kunyange hazvo vachinzi havana kupa humbowo.

Nhepfenyuro yeBBC inoti VaKyagulanyi vatozivisa kuti havasi kuzotambira zvabuda musarudzo kusvika pane inonguva, vachizviti ndivo vasarudzwa kuve mutungamiri wenyika.

Asi hurumende inonzi iri kuti sarudzo dzakaitwa murunyararo uye dzakanga dzakachena.

Nyaya yekuramba kutambira zviri kubuda musarudzo mavhoti achiri kuverengwa inyaya inonyanyonetsa musarudzo dzakawanda dzinoitwa munyika dzakawanda muAfrica, kusanganisirawo muZimbabwe.

Muna 2018 mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa vakaramba kutambira zvibuda musarudzo, izvo zvairatidza kuti vaimirira Zanu PF uye varti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mangagwa ndivo vaikunda.

Kusvika pari zvino, VaChamisa vanoti sarudzo dzakabiridzirwa.

KuAmerica, mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakarambawo kutambira zvaibuda musarudzo, apo zvairatidza kuti vaive vachikundwa nevakamirira kugadzwa VaJoe Biden. Nanhasiwo VaTrump vachiri kuramba kutambira zvakabudawo musarudzo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zviri pachena kuti VaMuseveni vachawana mavhoti akawanda kunyange hazvo zviri pasi zvichiratidza sekunge vanhu vakawanda munyika iyi havasi kufara nehutungamiri hwavo.

VaMaguwu vanoti VaMuseveni vakashandisa nzira dzekumbunyikidza vanhu kuburikidza nekuvhara madandemutande nemasaisai senzira yekuti vanhu vasaburitsa zviri kuitika munyika iyi, panguva iyo vanopikisa vanosanganisira VaKyagulanyi, vaiti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa.

Vanotiwo nyaya yekuti boka rinotungamira sarudzo reElectoral Commission riri pasi pehurumende, sezvakangoitawo muZimbabwe kuti Zimbwbwe Electoral Commission inenge iri pasi pehurumende, zvinoita kuti vanopikisa vangofungira kuti sarudzo dzinobirirwa.

Asi VaMaguwu vanoti nyaya yekuti vanhu vanoramba kutambira zviri kubuda musarudzo kunyange hazvo mavhoti asati apera kuverengwa, chirwere chinofanirwa kugadziriswa kuAfrica, vachiti zvinodzikisa pasi kukosha kwekuitwa kwesarudzo.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG