Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vanofa Pakadhirika Mughodi weEldorado


Goridhe
Goridhe

Vanhu vaviri vakawanikwa vakafa pamugodhi weEldorado pedyo neChinhoyi zvichitevera kudhirika kwemugodhi uyu neMuvhuro manheru.

Vakafa ava vakawanikwa nevanhu vari kuyamura kufukunyura mitumbi yakadhirikirwa mumugodhi apo vanhu vaikorokoza nguva dzemanheru.

Vamwe vakapukunyuka vanoti vanhu vanosvika gumi nevaviri vakadhirikirwa nemugodhi uyu uyo waurayisa vanhu vakawanda kusvika pari zvino.

VaTawanda Moyo mumwe wevakapinda mumugodhi nezuro.

VaMoyo vanoti panotoda michina yechizvinozvino kuti vakwanise kubvisa dombo rakadhirikira vanhu.

VaMoyo vanoti vakawana mitumbi muviri asi havakwanise kuiburitsa sezvo kwairi kwakadzika mamita mazana matatu nemakumi mashanu.

Mumwe mugari wekuKadoma anoda kuzivikanwa nezita rekuti Jerry anoti akamirira kuwanikwa kwemunin'ina wake akadhirikirwa nevamwe vashanu vaayinge atora kuKadoma.

Vakasarudzwa kuve mumiriri weZvimba North mune mugodhi uyu, Amai Marian Chombo, vanoti zvinosuwisa kuti vanhu vari kufa senhunzi pamugodhi uyu.

Amai Chombo vanoti kusatevedzera mutemo wezvicherwa nemakakatanwa evakuru vezvematongerwo enyika zvimwe zviri kukonzeresa kukorokoza kuri kuurayisa vanhu munyika.

Mugodhi weEldorado une nhoroondo yekufa kwevanhu, uye gore rapera, vanhu vana vakafira pamugodhi uyu.

Mugodhi uyu wakaiswa mumaoko ematare pasi pegweta, VaJonathan Smakange, zvichitevera kunetsana pakati pezvizvarwa zviviri zvekuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG