Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Kusvitsa Makore Makumi Mana neRimwe Yawana Kuzvitonga Vakawanda Vachishupika neKushungurudzwa


Members of the Zimbabwe National Army rehearse, April 16, 2019, for this Thursday's Independence Day celebrations in Harare.
Members of the Zimbabwe National Army rehearse, April 16, 2019, for this Thursday's Independence Day celebrations in Harare.

Zimbabwe iri kusvitsa makore makumi mana nerimwe chete mangwana yawana kuzvitonga kuzere vanhu vakawanda munyika, kusanganisira vemapato anopikisa pamwe nevedzisvondo, vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzematongerwo enyika, hupfumi pamwe nenyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Asi bato riri kutonga reZanu PF rinoti riri kufara kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Vamwe vagari vemuHarare vakaita saVaJohnson Chirwa vanoti kunyange hazvo nyika yave nenguva refu yawana kuzvitonga kuzere, kuzvitonga uku kuri kuonekwa munyaya dzezvematongerwo enyika chete kwete munyaya dzezvepfumi.

Izvi zvinotsinirwa naAmai Chipo Njuma vanobva kwaMasembura kuBindura avo vanoti vasuwa mushakabvu VaRobert Mugabe avo vaiwanzovaitira mabiko pakucherechedza kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

Mumwe mugari wemuHarare uyo aramba kudomwa nezita rake anoti kubva zvaazvarwa nyika yawana kuzvitonga, vari pazvigaro zvehushe vari kungotonga nedemo.

Mutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti hapana musiyano uripo pakati pehutongi hwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa newehurumende yevechichena yaivepo nyika isati yawana kuzvitonga.

VaHlatywayo vati chanyonetsa ndechekuti huori hwatekeshera munyika zvave kuita kuti varefu vadye zvevapfupi nekureba vachitiwo havasi kufara nekubatwa kuri kuitwa nhengo dzevemapato anopikisa kunyanya nhengo dzebato ravo vachiti Zanu PF ine hurongwa hwekuparadza bato ravo kunyange hazvo vachiti hondo yakarwirwa kuti munyika muve nehutongi hwejekerere uye kuti kodzero dzeveruzhinji dziremekedzwe.

Mutauriri weMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, VaLloyd Damba, vati kuzvitonga kuzere kwenyika hakuna chakunoreva kana veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

Munyori mukuru mubato reZapu, VaMjobiza Noko, vanotiwo panofanira kuve nekuenzaniswa kwemarudzi munyika.

Vedzisvondo vakaita saBishop Ancelimo Magaya vesvondo yeDevine Destiny vanoti havasi kufarawo nenyaya dzemhirizhonga dziri kuramba dzichingotungira munyika kubva zvawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980 kusvika pari zvino.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vari kufara zvikuru kuti veruzhinji vave kukwanisa kuzviriritira kubudikidza neminda yavakawana pakatorwa nechisimba mapurazi evachena.

VaMugwadi varamba mashoko ekuti bato ravo riri kuita zvehumbimbindoga vakakurudzirawo vemapato ezvemnatongerwo enyika kuti vagare pasi nebato riri kutonga vachitsvaga nzira dzekugadzirisa zvinenge zvichinetsa munyika.

Zvichakadai, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatarisirwa kutura mashoko avo ekucherechedza kusvitsa kuchaita nyika makore makumi mana nerimwe yawana kuzvitonga kuzere mangwana vari kuState House pasina kuungana kwevanhu senzira yekutevedzera zvakatarwa nehurumende pamwe nesangano reWorld Health Organization kuti vanhu vasaungane kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

VaMnangagwa mutungamiri wechipiri kubva kuZanu PF kuva mutungamiri wenyika kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga.

VaMugabe, avo vakatungamira nyika kwemakore makumi matatu nemanomwe, vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017, vachibva vatsiviwa naVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG