Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanokwidza Nyaya Yavo Mudare rePamusorosoro


VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC-T, Va Morgan Tsvangirai, vakwidza neChipiri nyaya yavo naMuzvare Locadia Karimatsenga kudare repamusoro-soro re Supreme Court vachiti vanoda kuti mutongo wakacherechedza Muzvare Karimatsenga semudzimai wavo, usendekwe parutivi.

Mapepa asvitswa kudare repamusoro-soro nerimwe remagweta aVaTsvangirai, VaInnocent Chagonda, anoti mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vakatonga zvisiri izvo pavakacherechedza mutongo wamejasitiriti, VaMunamato Mutevedzi, uyo waiti VaTsvangirai vakaroora Muzvare Karimatsenga, izvo zvakapa kuti rezenisi rakanga rapihwa VaTsvangirai kuti vachate rikanzurwe..

Mapepa aya anotiwo dare repamusoro rakakanganisa parakacherechedza mutongo waVaMutevedzi uyo wakati VaTsvangirai vakaroora Muzvare Karimatsenga.

Magweta aVaTsvangirai anoti mutungamiri wehurumende aifanira kugariswa pasi pachiongororwa kuti chii chakanyatsoitika pavanonzi vakaroora Muzvare Karimatsenga kwete kuti dare ringopa mutongo risina kuvapa mukana wekuita izvi.

VaTsvangirai vari kuramba kuti vakaroora Muzvare Karimatsenga vachiti vakangobhadhara mari yekuvakanganisa kana kuti damage. Pamuviri pakange pave naMuzvare Karimatsenga panonzi pakazobva pave nemwedzi minomwe nechidimbu.

Kana nyaya yakwidzwa kudare naVaTsvangirai iyi ikabudirira, Va Tsvangirai vanogona kuzochata zvakare pasi pemutemo unobvumidza kuti vaite mudzimai mumwe chete. Mutungamiri wehurumende akachata naMuzvare Macheka neMugovera pamuchato wakaitwa pasi pemutemo unobvumidza kuita vakadzi vakawanda zvichitevera kukanzurwa kwakaitwa rezenisi rekuti vachate.

Muzvare Karimatsenga vachiri mumatare zvakare umo mavari kuda kuti variritirwe nemutungamiri wehurumende uye nyaya iyi yakatarisirwa kunzwikwa neChishanu.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG