Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopikisa Kukanzurwa kweRezenisi Rekuti Vachate


VaTsvangirai naMuzvare Macheka
VaTsvangirai naMuzvare Macheka

Mutongi wedare ramejasitiriti neChishanu akanzura rezenisi rekuchata raakanga apa mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kuda kuchata naMuzvare Elizabeth Macheka neMugovera.

Mutongi wedare ramejasitiriti neChishanu akanzura rezenisi rekuchata raakanga apa mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kuda kuchata naMuzvare Elizabeth Macheka neMugovera.

Mutongi wedare iri, VaMunamato Mutevedzi, avo vakambenge vapa VaTsvangirai mvumo yekuti vachate naMuzvare Macheka, vakanzura mvumo iyi vachiti zviri pachena kuti VaTsvangirai vakaroora Muzvare Locadia Karimatsenga Tembo pasi pemurawu wechivanhu.

Vatiwo vhidhiyo yakaunzwa kudare nemagweta aMuzvare Karimatsenga Tembo inoratidzawo kuti vanyai vaVaTsvangirai vakaratidza kuti vakaenda kunoroora vakakumbira muchato mushure mekuita zvinodiwa pachivanhu.

Asi gwaro rehuchapupu raiswa mudare naVaTsvangirai nemagweta avo ranga richiti VaTsvangirai vakabhadhara mari yekukanganisa Muzvare Karimatsenga Tembo, kana kuti damage. VaTsvangirai vatiwo vanhu vavakatuma vakaita zvemusoro wayo zvavasina kutumwa kuita.

Nokudaro, VaTsvangirai vaisa dhora ranga rakanamirwa pa affidavit ravaunza mudare vachiti igupuro raMuzvare Karimatsenga Tembo.

Asi VaMutevedzi vati pamutemo wechivanhu, VaTsvangirai naMuzvare Karimatsenga Tembo vachiri murume nemudzimai sezvo gupuro risina kupihwa pachitevedzerwa nzira dzechivanhu.

Rimwe remagweta aMuzvare Karimatsenga Tembo, VaEverson Samukange, vati vafadzwa nemutongo wedare.

Asi rimwe remagweta aVaTsvangirai, VaThabani Mpofu, vati nyaya iyi haina kubatwa zvakanaka nedare iri, nokudaro vati vave kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Imwe nyaya yakawunzwa kudare neChitatu nechizvarwa cheku South Africa, Muzvare Nosipho Regina Shilubane, vachida kuti muchato waVaTsvangirai umiswe, yaraswa nedare vachinzi havana humbowo hwakakwana.

Mutauriri waVa Tsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vati kuwunzwa kwaitwa nyaya idzi kumatare kunoratidza kuti VaTsvangirai vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Ukuwo gweta, uye vari mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati sezvo vapikisa mutongo waVaMutevedzi, ivo vachaenderera mberi nemuchato semarongerwo azvanga zvakaitwa.

Apo VaMutevedzi vanga vachikanzura rezenisi iri, mutungamiri weSwaziland, Mambo Mswati, vanga vachiburuka ndege panhandare yeHarare International Airport sezvo vakakokwa kumuchato uyu.

Vamwe vakakokwa kumuchato uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri weMalawi, Amai Joice Banda, pamwe nemutungamiri weBotswana, VaIan Khama.
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG