Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotaura neStudio7 Pamusoro peHutano Hwavo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vava kunzwa zviri nani chose zvichitevera kurapwa kwavari kuitwa kuSouth Africa.

Vachitaura neStudio7 vari parunhare vari kuSouth Africa kwakare, VaTsvangirai, avo vakaenda kunorapwa ku South Africa mwedzi wapera, vanga vasati vataura mbune nevatori venhau pamusoro pehutano hwavo.

Aka ndekekutanga kubuda pachena vachitaura nevatori venhau pamusoro pehutano hwavo.

VaTsvangirai, avo vanova zvakare mutungamiri wemubatanidzwa wemamwe mapato anopikisa ayo anoti achakwikwidza musarudzo akabatana, weMDC Alliance, vanoti havaone chinovakanganisa mukutungamira MDC Alliance musarudzo dza 2018, zvisineyi kuti pane vamwe vanhu vari kuti vasiye chigaro chavo.

Mashoko aVaTsvangirai aya anotevera mashoko anga achibuda mumamwe mapepanhau pamwe nemumadandemutande vamwe vachiti semurwere, VaTsvangirai vanofanirwa kusiyira vamwe chigaro ichi.

Asi VaTsvangirai vanoti munhu wese anogona kurwara, uye havasi ivo vekutanga kurwara, nokudaro zvinotaurwa nevanhu hazvivatidzise kuita basa ravo.

VaTsvangirai vanoti kana nguva yekuti vasiye basa ravo yakwana, vachaita saizvozvo sezvo munyika muzere vanhu vanogona kutungamira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo dzegore rinouya.

Asi vasimbaradza kuti vachaenderera mberi nebasa ravo kana vana chiremba vavo vati vachitanga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG