Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Vopesana paNyaya yeMubatanidzwa weMapato


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Vamwe vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vari kuratidza kushushikana pamusoro penyaya yekuve nemubatanidzwa nemamwe mapato anopikisa.

Vanoziva nezviri kuitika mubato iri vanoti vamwe vatsigiri vebato iri vakaudza mutungamiri wavo kuti havazi kufara nenyaya yekuti MDC-T iite mubatanidzwa nemamwe mapato, zvikuru kana zvichireva kuti vamwe vemamwe mapato aya vachazopiwa zvigaro zvepamusoro.

VaTsvangirai, avo vakatanga misangano yavo yekunzwa zvinofungwa nevatsigiri vavo panyaya iyi nemusi weChishanu kuBeitbridge, vakazoita mimwe misangano miviri nemusi weMugovera nanezuro kuGwanda, vakabvuma kuStudio7 kuti nyaya yemubatanidzwa wemapato anopikisa iri kutaurwa nezvayo zvakasimba.

Asi vakati vanhu vakawanda vari kunzwisisa kukosha kwakaita kuti mapato anopikisa abatane, vakatiwo vane chivimbo chekuti vachakwanisa kutaurirana kusvika vanzwisisana panyaya iyi nevemamwe mapato anopikisa.

VaTsvangirai vakatiwo vanhu vakawanda vari kushushikana nenyaya yekuti vechidiki vabve zera vakawanda munyika havade kuwanzovhota vakatiwo zvakakosha kuti vechidiki vose ava vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rinouya, vachiti kuvhota ndiyo chete nzira inoita kuti vechidiki vakwanise kubatsira kugadzirisa matambuzdiko ari munyika.

Mautauriri weboka revechidki muMDC –T kuMatabeleland South, VaDennis Moyo, vakati zvakakosha kuti bato ravo riwane nzira dzekubatsira pamwe chete nekukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota.

Sachigaro weboka revechidiki mubato reMDC-T, VaHappymore Chidziva, vakatsinhira kukosha kwakaita kuti vechidki vavhote, vakaudzawo Studio7 kuti boka ravo rakatanga chirongwa chekukurudzira vechidiki munyika kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.

VaTsvangirai vakatiwo zvimwe zvezvinhu zvakakosha zvataurwa nevanhu vakawanda kusvika pari zvino ipfungwa yekuti nyaya yeGukurahundi inofanirwa kugadziriswa, uye kutsutsumwa kweveruzhinji pamusoro pekusaririra kwakaita nzvimbo dzakawanda dzekumaruwa munyaya dzebudiriro.

VaTsvangirai vakati bato ravo rinokoshesa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena. Vakati bato ravo, richishanda nemamwe mapato, riri kuenderera mberi richikurudzira kugadziriswa kwezvinhu zvakasiyana-siyana - kusanganisira mitemo-zvine chekuita nesarudzo, vachiti vane chivimbo chekuti veboka reZimbabwe Electoral Commission, vachagadzirisa zvose izvi sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

VaTsvangirai vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekusangana nevanhu vakasiyana-siyana munyika uye svondo rino vanotarisirwa kuenda kuLupane Hwange neBinga vozoenda kudunhu reMidlands.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG