Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoburitsa Pachena Kusawirirana Kuripo naAmai Mujuru


Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kuumba mubatanidzwa naAmai Joyce Mujuru, avo vari kufanotungamira bato reNational People’s Party, kunenge kwakundikana.

Mashoko aVaTsvangirai anouya panguva iyo Amai Mujuru vari kufamba vachiudza vanhu kuti vakagadzirira kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya vachikwikwidzana naVaRobert Mugabe veZanu PF.

Kunyange hazvo VaTsvangirai varatidza kushaya tarisiro yakasimba pamubatanidzwa naAmai Mujuru, Tsvangirai vanoti vane chido chekuti vabatanewo nevamwe vavakamboshanda navo muMDC isati yapatsanuka, VaWelshman Ncube, avo vari kutungamira chimwe chikwata cheMDC, pamwe naVaTendai Biti, avo vari kutungamira bato rePeople's Democratic Party.

VaTsvangirai vakapatsanurana naVaNcube muna Gumiguru 2005, vakapatsanurana zvakare naVaBiti makore mashoma mushure mekupera kwehurumende yemubatanidzwa.

Asi VaNcube naVaTsvangirai vakanyorerana chibvumirano chekushanda pamwe chete izvo vakawanda vaoti idanho rakanaka rinoita kuti MDC ikunde Zanu PF.

VaNcube vakabuda pachena pachirongwa cheBBC-HardTalk kuti mubatanidzwa wemapato unofanirwa kuona kuti munhu ane mukana wekukunda VaMugabe musarudzo ndiyani, izvo vakawanda vanoti VaNcube vaitotsigira VaTsvangirai kuti vatungamire mubatanidzwa uyu.

Asi VaNcube pachavo havana kuda kudoma zita remunhu wavanofunga kuti ndiyani achatungamira mubatanidzwa uyu kana ukabudirira.

MuZimbabwe munofungidzirwa kuti mune mapato anodarika makumi matanhatu anopikisa uye vamwe vanoti kana pasina kubata kwemapato akati simbei zvichanetsa kukunda bato reZanu-PF musarudzo dza2018.

VaTsvangirai vanoti havasati vataura nevari kudawo kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, VaNkosana Moyo, avo vari kutungamira bato idzva rinonzi Alliance for the People's Agenda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG