Accessibility links

Breaking News

ZITF Inotanga neChipiri muBulawayo


ZITF 2021
ZITF 2021

Chirongwa chepagore cheZimbabwe International Trade Fair, ZITF, chatanga nhasi paine vemabhizimisi vashoma vari kuratidza zvavanogadzira.

Gungano reZITF ratanga nhasi muBulawayo asi nekuda kwekuveko kwechirwere cheCovid-19, pane makambani mashoma nenyika dzekunze shoma dziri kuratidza zvadzinogadzira.

Makambani ane chitsama ange achiri kupedzisa kunhadzurudza nzvimbo dzavari kuratidzira zvavanoita uye veruzhinji vanosiuya kuchiitiko ichi nehuwandu hwavo vange vachiuya vari vashoma.

Mutevedzeri wemukuru wemumuriri wemuzinda weKenya muZimbabwe, VaLazarus Muganda, vati nekuda kwekuveko kwechirwere cheCovid-19 makambani ekunyika kwavo haana kukwanisa kuuya kuZITF yegore rino.

Asi vati vakaona zvakakodzera kuti muzinda wavo uve pagungano iri uchiratidza zvinogadzirwa nemakambani emuKenya uye kushambadza mikana yemabhizimisi iri munyika iyi.

VaEdmore Masukume, avo vanoshanda nekambani yeMineeazy Mining Solutions iyo inotengesa michina nezvimwe zvakasiyana siyana zvinoshandiswa mumabasa ezvicherwa, vati aka ndekekutanga vachiratidza zvavanoita pagungano reZITF.

Vatiwo vanofunga kuti izvi zvichabatsira kuti kambani havo isimukire sezvo ichiri diki.

Mukuru wekambani yeVoedsel Cannabis, VaInnocent Mahufe, vati kambani yavo inorima hemp inogadzirissa micheka yembatya pamwe nembanje inogadziriswa mishonga.

Vatiwo aka ndekekutanga kambani yavo ichiratidza zvainoita vakati zvisinei nekuti gungano regore rino rine vanhu vashoma, vanofunga kuti vachawana pundutso nekuvepo kwavo sezvo vachida kuti kambani yavo izivikanwe.

Taedza kunzwa kumukuru weZITF, VaNicholas Ndebele, kuti inyika ngani dziri mugungano regore rino uye kuti makambani mangani emuno neekunze kwenyika ari mugungano iri asi vanzi vange vati mumusangano.

Gungano reZITF rakatadza kuitwa gore rakapera nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Gungano iri riri kuenderera mberi mangwana apo mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kutarisirwa kuve munyarikani pamusangano weInternational Business Conference.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachavhura ZITF yegore rino zviri pamutemo nemusi weChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG