Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya Vomirira Mutongo Uchadzikwa neMusi weChishanu


Henrietta Rushwaya 3
Henrietta Rushwaya 3

Vachuchisi vehurumende vaudza dare kuti vave kuda kuti mutungamiri weZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, vanyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso mushure mekunge vasina kupikisa nemusi weChipiri chikumbiro chemagweta emusungwa chekuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

Vanga vari muchuchisi mudare neChitatu, VaGarudzo Ziyadhuma, vati Muzvare Rushwaya vanofanira kunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti humbowo hwavave nahwo hunoratidza kuti nyaya iyi haisi diki sezvavaifunga.

VaZiyadhuma vati zvakaitika panhandare yeRobert Mugabe International Airport pakabatwa Muzvare Rushwaya zvinoratidza kuti nyaya iyi ine vanhu vakawanda mukati vanosanganisira vasori.

Vatiwo michini inowona zvinenge zvichiitika kana maCCTV akadzimwa Muzvare Rushwaya pavakanga voda kubuda munyika uye zvakatora maminitsi mana chete kuti Muzvare Rushwaya vapedze kuita zvose zvinodiwa pakuti munhu abude munyika panhandare yendege iyi.

Asi gweta ravo, VaTapson Dzvetero, vati zviri kunze kwemutemo kuti hurumende ichinje mafungiro ayo panyaya isina kupa zvikonzero zvekuti sei yakanga yabvuma kekutanga kuti Muzvare Rushwaya vapihwe mukana wekubhadharia mari yechibatiso sezvakataurwa nemutongi wedare neChipiri.

Mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi nmusi weChishanu.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, kutongwa kwaVaTendai Biti, vanove mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, pamwe neimwe nhengo yebato iri, VaLovemore Chinoputsa, kwatanga.

VaBiti naVaChinoputsa vari kupomerwa mhosva yekuita musarinya zvichibva pakunetsana kwavakaita nemapurisa pamahofisi eMDC paMorgan Tsvangirai House mwedzi mishoma yapfuura pavaida kupinda pamahofisi aya ayo akanga atorwa nechikwata cheMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Imwewo nyaya yanga iri mumatare ndeye vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, iyo yanzwikwa vatori venhau pamwe neveruzhinji vasingabvumirwe mudare.

VaMphoko vari kupomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisirizvo pavakaburitsa vamwe vakuru vakuru vekambani yeZinara muchitokisi vachiri pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG