Accessibility links

Breaking News

Vapoteri vepaTongogara Refuge Camp Vononga Svosve neMuromo


Vanhu vanenge vari muhupoteri vanochema zvikuru nemagarirao avanenge vakaita
Vanhu vanenge vari muhupoteri vanochema zvikuru nemagarirao avanenge vakaita

Mhuri zhinji dzakawana hupoteri munyika kuTongogara Refugee Camp dziri kunonga svosve nemuromo nekuda kwenhamo yavakatarisana nayo. Vakawanda vari kuyedza kutanga tumabhizimisi tudiki asi vachiti hazvisi kuvapa pundutso.

Pamuzinda weTongogara pane vapoteri vangangodarika zviuru gumi vanobva kunyika dzakasiyana siyana kunyanya dzemuAfrica dzinosanganisira, Mozambique, DRC, Angola, Burundi, Rwanda Somalia, Eritrea nedzimwewo.

Mhuri idzi dzakatiza kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika dzavo zvichikonzera nehondo kunyanya.

Mhuri yega yega iri pakamba apa inotambiriswa madhora gumi nematatu zvisineyi nekuti yakakura zvakaita seyi inova mari isingakwaniri mhuri idzi.

Vapoteri ava havatenderwi kushanda muno munyika izvo zviri kuvaomera zvopa kuti vakawanda vagume voita misika yekutengesa zvakasiyana siyana.

Mumwe mupoteri, VaRodroguez Domingos vanoti vanobva kunyika yeBurundi uye vakauya muuZimbabwe muna2003 vachitiza hondo. Vanotengesa nyama yenguruve pamuzinda weTongogara uyu kuti vawane kurarama .

"Nekuda kwemari yeallowance yatinopihwa inova $13 chete tinotoita zvekutengesa kuti tiwanire mhuri mari yekutenga chekudya. Uye munomu muCamp hatibvumirwi kushanda mabasa. Hatiwani mari kwayo nekuti business racho riri slow slow, hapana ane mari muno. Kupera kwemwedzi vanhu vapihwa mari ndipo patinombobata tucash but $13 haina zveinotenga."

VaDomingoos vanoti pazuva vanotengesa zvishoma zvekuti vakwanise chete kuwanira vana vavo zvekudya.

"Hapana mari yakawanda yatinowana kunze kweyekuti titenge food chete, pamwe mwedzi wese tinoita cash ye$23 nekuda kwekuti hakuna cash."

Amai Beauty Kasongo vanobva kuAngola, uye vane musika mukembi yeTongogara. Pamusika wavo amai ava vanotengesa matemba, tepwe, nezvimwe zvekudya zvakamomeswa. Amai Kasongo vanoti musika wavo vanongomuitira kuti vakwanise kuwana kwekuswera uye nemari yekudya zuva nezuva pasina chouviri chinonyatsobuda.

"Bhizinesi rekubatira chete, imari yekutenga zvekudya chete, hakuna mari nekuti yatinopihwa haishandi chiro, haikwani mwedzi imari yechikafu chete apa."

Amai Kasongo vanotiwo mari yekugoverwa haikwaniri mhuri yavo sezvo vaine vana vana pamwechete nemurume.

"Imari shoma shoma chete yatinowana pano apo ndikaona upfu ndinotenga ndikaona fish ikapera ndotenga zvakare, kuti tiiti mari yatinopihwa ikwane apa hailasti mwedzi kungoti chete mhuri isafe nenzara muno."

VaJeremiah Muzondi vane chitoro chidiki asi vanongochemawo nenyaya imwechete yekushaya vanovatengera. Vanoti nguva zhinji inotodarika hayo vachitamba tsoro, kana mutambo wemakadzi nekuti kunenge kuusina anouya kuzotenga, nekudaro vanototengesa zvinhu zvizingakurumidza kushata kana kuwora.

Mukuru wepakamba yeTongogara Camp Amai Rudo Manyara vanoti mutemo wehurumende ndewekuti vapoteri havatenderwi kushandira munyika muno kudzimara vawanirwa mapepa akakwana ekuti vashandire masangano kana makambani emuno.

Vanoti zvakare mari inogoverwa vapoteri ndiyo yakatarwa uye inenge ichiwanikwa kuti vabatisikane kunyangwe hazvo isingavakwanire.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG