Accessibility links

Breaking News

Mutengo weShuga Unokwira Zvakapetwa Ruviri


Mutengo weshuga wakwidzwa zvichitevera kukwira kwe mutengo wemafuta edzimotokari.
Mutengo weshuga wakwidzwa zvichitevera kukwira kwe mutengo wemafuta edzimotokari.

Kambani inogadzira shuga yeTongaat Hulett inonzi yakwidza mutengo weshuga nezvikamu zvingada kusvika kuzana kubva muzana kutanga neMuvhuro uno.

Gwaro raburitswa nekambani iyi rinoratidza kuti mutengo wepakiti yeshuga ye brown ine huremu hwekirogiramu imwechete wakwira kubva pamadhora mana ane masendi makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kuenda pamadhora masere ane masendi makumi matanhatu nerimwe emaRTGS.

Makirogiramu maviri eshuga imwecheteyo akwirawo kuenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi maviri nemaviri kubva pamadhora mapfumbamwe ane masendi makumi mapfumbamwe nemasere.

Kukwira kwemutengo weshuga uku kunotevera kumboshaikwa kwayo mune zvimwe zvitoro mumazuva mashoma adarika.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hausi mutengo weshuga chete wakwira, asi kuti zvakawanda zviri kukwirawo mitengo, zvichikonzerwa nekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari.

Panyaya yekushaikwa kwechingwa, Doctor Citambara vanoti vamwe vanobika chingwa vanogona kunge vakamira kuita izvi nekuda kwekupindira kwehurumende mukutarwa kwemitengo yechingwa.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG