Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vonyunyuta neMutengo Wayo Uri Pasi


Tobacco Auction Floors 6
Tobacco Auction Floors 6

Misika yefodya yavhurwa nhasi varimi vachigunun’una nemitengo yange iri pasi pamwe nedanho ehurumende rekuti vabhadharwe zvikamu makumi matanhatu nemari yekunze kunyange hazvo ivo vaida kupihwa zvikamu makumi masere kubva muzana pamari yavenenge vatengesa fodya.

Vachiparura mwaka wekutengesa fodya gore rino pamusika weTobacco Sales Floor, gurukota rezvekurima, Dr Anxious Masuka, vati fodya yaunzwa nevarimi yakanaka chose uye vanotarisira kuti ichatengwa nemitengo inofadza varimi.

Asi izvi handizvo zvaitika nekuti kirogiramu rekutanga ratengwa nemadhora mana nemasendi makumi matatu ekuAmerica izvo zvisina kufadza varimi.

Mumwe murimi, VaRobson Katiyo vekwaKazangarare kuKaroi, vati misika yavhura mitengo yakadzikira pane zvavanga vakatarisira.

Amai Kudzai Bhutai avo vave nemakore gumi nemashanu vachirima fodya kuKaroi ndemumwe asina kufara nemitengo yange iri kumisika nhasi.

Sachigaro webhodhi yeTobacco Industries Marketing Board, TIMB, VaPat Devenish, vati gore rino varimi vachabhadharwa zvikamu makumi matanhatu kubva muzana nemari yekunze kubva pazvikamu makumi shanu kubva muzana gore rapfuura.

Asi varimi havana kufara nazvo vachiti zvinhu zvizhinji zvavanoshandisa pakurima vanoshandisa mari yekunze uye vanoda kuti vapihwe zvikamu makumi masere kubva muzana zvemari iyi ari madhora ekuAmerica.

Amai Bhutai vati vanoda mari yekuAmerica yakawanda nekuti ndiyo yave kushandiswa pane kutenga nekutengeswa kwezvinhu zvese munyika.

VaMasuka vati hurumende inoziva matambudziko akatarisana nevarimi uye vanoda kuti goho refodya riwedzerwe kubva pamakirogramu mamiriyoni mazana maviri pari zvino kusvika pamamiriyoni mazana matatu gore rega raga.

Asi vati izvi zvinofanira kuitwa pachishandiswa mari yemuno kwete kushandisa mari yekunze sezviri kuitika pari zvino.

VaDevenish vati kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kurima fodya munyika huri kuwedzera, paita dambudziko guru rekuti vazhinji vari kuomesa fodya yavo nekuparadza miti nemasangango.

Vati nekuda kwaizvozvo makambani akawanda ekunze anogadzira fodya yekuputa, akatovayambira kuti acharega kutenga fodya yemuZimbabwe kana izvi zvikaramba zvichiitika.

Asi VaMasuka vaudza Studio 7 kuti dambudziko rave kugadziriswa nemutero weTobacco Levy uyo unosungira kuti varimi vefodya vadyare miti yekushandisa fodya yavo kwete kuparadza masangano.

Fodya inounza mari yekunze yakawanda kudarika zvimwe zvirimwa zvese uye gore rapera chete yakaunza munyika mamiriyoni mazana manomwe nemakumi masere nemaviri emadhora ekuAmerica.

Gore rino inotarisirwa kuunza mari yekawanda kudarika apa sezvo huwandu hwevarimi vefodya hwawedzera kubva pa 145 625 kusvika pa 147 931.

VaMasuka vati hurumende inotarisira kuti TIMB ichavandudza mabasa ekurimwa kwefodya munyika pamwe nezvimwe zvinogadzirwa kubva mufodya kuti nyika iwane mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kubva kuindasitiri iyi gore rega rega.

Pane misika mitatu yavhura nhasi inoti TSF, Boka Tobacco Floors nePremier Tobacco Floors.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG