Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyambirwa Kungwarira Mvuramupengo kuManicaland, Masvingo neMashonaland.


Zimbabweans Still Recovering Year after Cyclone Idai
Zimbabweans Still Recovering Year after Cyclone Idai

Hurumende yatanga neMuvhuro kuendesa chikafu, mishonga nezvinhu zvekushandisa mukuchengetedza vanhu munzvimbo dzinotarisirwa kuita mafashamu emvura nekuda kwemvura zhinji inotarisirwa kutanga kunaya kwaita mvura.

Izvi zvinotevera chiziviso chakapihwa nebazi rezvemamirire ekunze reeMeteoroligical Services Department chekuti kuchanaya mvura yakawanda mumatunhu ekuMashonaland, Masvingo neManicaland.

Mukuru weDepartment of Civil Protection, VaNathan Nkomo, vaudza Studio 7 kuti musangano waita nekomiti yavo yeEmergency Services SubCommitte uyo wange uchisanganisira masangano akaita seRed Cross, mapazi ehutano, ekudzivirirwa kwenyika, kubudiswa kwemashoko nemamwe makambani ehurumende, wabvumirana kuti rubatsiro ruendeswa nechimbi chimbi.

VaNkomo vatiwo veruzhinji vanofanira kusiyana netsika yekuyambuka nzizi dzakazara pamwe nekuramba vari pedyo nemadhamu vachiti madhamu aya anogona kuputika kana mvura ikawandisa.

Vati vanhu vachachengeterwa muzvikoro sezvo zvakavharwa vachiti kunzvimbo dzakaita seChipige neChimanimani hurumende yakavaka nzvimbo dzekuchengetedza vanhu panguva yedutumupengo Idai.

Vatiwo munzvimbo idzi muchaiswa matende kana vanhu vanenge vawirwa nedambudziko vakawanda.

VaNkomo vatiwo mauto emuchadenga achange achishanda nekomiti yavo.

VaNkomo vakurudzira veruzhinji kuti vaterere mashoko achange achibva kuhurumende pamwe nevatungamiriri munharaunda dzavanogara.

Nzvimbo dzinotarisirwa kuita mafashamu dzinosanganisira Chimanimani, Chipinge, Muzarambabani, Mt Darwin neMudzi.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development iro rinoshandira kuChipinge, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 vari parunhare kwaChecheche kuti mvura yatanga kunaya kunyange hazvo isati yawanda zvekukonzera mafashamu.

VaMadhuku vati veCivil Protection Unit vakagadzirira kubatsira vese vanenge vawirwa nenjodzi munzvimbo yavari.

Muna 2019 dutumupengo Idai rakarova matunhu mana anoti Masvingo, Midlands, Manicaland neMashonaland East rikasiya vanhu zviuru mazana maviri nemakumi manomwe vasina pekugara.

Vanhu vanodarika mazana matatu nemakumi mana vakafa uye vamwe vavo vakatsakatika mumafashamu akaitika aya zvikuru kuManicaland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG