Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Command Agriculture Iri Kuvhiringwa neNyaya dzeMatongerwo eNyika


Mutungamiri weZDI, VaPedzisai Ruhanya
Mutungamiri weZDI, VaPedzisai Ruhanya

Sangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, raburitsa ongororo yarakaita pachirongwa cheCommand Agriculture inoratidza kuti chirongwa ichi hachina kubudirira padonzvo racho rekuwanisa nyika chikafu nekuda kwekuti paishandiswa zvematongerwo enyika uyewo kuti chaitungamirwa nemauto ayo anoita zvinhu zvawo pasina kujeka.

Vachitaura pakuparurwa kwezvakabuda muongororo yavakaita zviri mugwaro rakanzi Command Agriculture: Post Mugabe Authoritarian Consolidation, mukuru we ZDI, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati donzvo rechirongwa ichi raive rekuti nyika iwane chikafu chakakwana asi izvi handzizvo zviri kuitika.

VaRuhanya vati kunyange hurumende ichiti chirongwa ichi chakabudirira, zvakabuda muongororo yavo zvinoratidza kuti goho riri kutodzikira kubva pakatanga chirongwa ichi.

Vati mumwaka wa2016/2017 huwandu wechibage chakohwehwa munyika hwakadzikira nezvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana, kana zvichienzaniswa nechibage chakange chawanikwa mwaka wapfuura.

Ongororo yeZDI inoratidzawo kuti kunyange hazvo hurumende yaiwedzera mari yaishandiswa pachirongwa ichi, huwandu hwevanhu vaida rubatsiro hwaitoramba huchikwira, uyewo huwandu hwechibage chaiendeswa kuGrain Marketing Board, GMB, hwadzikira zvakanyanya.

Mumwaka wa2016/17 GMB yakawana miriyoni nemazana maviri ezviuru zvematani echibage, muna 2017/18 ikawana miriyoni nezana rezviuru zvematani echibage muna2018/19 ikawana matani mazana maviri ezviurune nemazana maviri echibage.

Doctor Ruhanya vati zvabuda mutsvakurudzo yavo zvinoratidza kuti kunyange hazvo mvura isinawo kunaya zvakanaka, mari yeCommand Agriculture haina kushandiswa zvakanaka, ndosaka nyika iine nzara.

Vatiwo zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu vakabvunzurudzwa paongororo iyi, zvakataura kuti hazvifari nemutengo wechibage weGMB uye chirongwa ichi chiri kutadza kuti varimi vaendese chibage kuGMB.

Ongororo iyi inoti nekuda kwaizvozvo zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana zvevanhu zviuru makumi mashanau vakawana mbeu nerumwe rubatsiro muna 2016/17 pasi pechirongwa ichi, havasati vadzorera mari yechikwereti ichi kuhurumende.

VaRuhanya vatiwo zvakabuda pachena muongororo yavo kuti vanhu vazhinji vari kuwana rubatsiro pachirongwa ichi havakodzeri, uye muchirongwa ichi mune zvematongerwe zviri kupinxwa mukati zvichigumisira zvapa kuti pasave negoho rakanaka.

ZDI inoti Command Agriculture chirongwa chakanaka chinogona kubatsira nyika kana chikaitwa zvakajeka pachipihwa varimi vanokodzera rubatsiro rwezvekurimisa.

Mumwe murairidzi weChinhoyi University of Technolgy, Doctor Teddy Mungwari, vatiwo gwaro reZDI rinoburitsa pachena kuti Command Agriculture iri kutadza kuzadzikisa zviga zvayo uye dambudziko iri rinofanira kugadziriswa kuitira kuti nyika isarasikirwe nemari yekunze pakutenga chibage.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, kanawo kukambani yeSakunda iyo inofambisa chirongwa cheCommand Agriculture kuti vanoti kudii neongororo yeZDI.

Asi hurumende yakabvuma kuti chirongwa ichi hachina kufamba zvakanaka uye gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakatozivisa kuti kutanga mwaka uno, vese vanoda kupinda muchirongwa ichi vave kuzonyorera kumabhanga akaita seCBZ, Stanbic, Agribank nemamwe kuitira kuti vapihwe zvikwereti zvekurimisa.

Mumwaka yapfuura, Reserve Bank of Zimbabwe ndiyo yaibhadhara makambani aipa varimi, mbeu foritireza nezvimwe.

Komiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari dzehurumende, yePublic Accounts Committee, iri kuongorora mashandisirwo akaitwa mari pachirongwa cheCommand Agriculture mushure mekunge mahofisi aAuditor-General ataura kuti madhora anodarika mabiriyoni mapfumbabwe akashandiswa zvisina mvumo yeparamende pachirongwa ichi.

Komiti iyi, iyo inotungamirirwa, naVaTendai Biti veMDC, iri kubvunzurudza makamabani ese ane chekuita neCommand Agriculture kusanganisira kambani yeSakunda iyo inonzi ndiyo yakaita basa rakawanda pachirongwa ichi.

Donzvo reongororo yeZDI raive rekuongorora kuti chirongwa cheCommand Agriculture chiri kubatsira nyika seyi, chinofambiswa sei uye kuti veruzhinjinevarimi vanochionawo sei.

Vanhu mazana maviri kubva Mashonaland East, Matabeleland North, Bulawayo, Matabeleland South, Harare, Mashonaland Central neMashonaland West ndivo vakabvunzurudzwa muongororo iyi.

Zimbabwe yakatarisa nenzara inotyisa uye vanhu mamiriyoni masere vari kuda rubatsiro rwechikafu kusvika nyika yaita goho rakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG