Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopiwa Mumwe Mukana weKunyoresa Kuvhota


Munhu achinyoresa pasi pechirongwa che BVR
Munhu achinyoresa pasi pechirongwa che BVR

Vamwe vagari vemuMasvingo vakange vasina kukwanisa kunyoresa kuvhota muchirongwa chakadarika, nhasi vatora mukana wekuwedzerwa kwechirongwa chekunyoresa ichi, cheMop-Up Voter Registration, mumusha weRujeko, uko kwavaswera vachinyoresa kuti vazokwanisa kuvhota pasarudzo dzegore rino.

Vagari vazhinji vateerera kurudziro yemasangano akazvimiririra akaita se Masvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA) iyo iri kufamba mudzimba ichi kurudzira vasina kunyoresa kuti vashandise mukana uyu unova wekupedzisira.

PaChikoro cheRujeko Primary Schoool vashandi veZEC varamba kudomwa nemazita avo vati vanhu vauya nehwuwandu hwavo kunyange panga pasina mitsetse mikuru.

Amai Sungano Zvarebwanashe, nhengo yeMURRA, vati vaita chirongwa chekukurudzira vanhu vachifamba mudzimba nekuti vazhinji vechidiki, madzimai pamwe nevaimbonzi vanobva kune dzimwe nyika, vanga vasina ruzivo rwechirongwa ichi, apo vakakundikana kunyoresa gore rapfuura.

“Chinagwa chatiri kuzviitira izvi ndechekuti vanhu vazive, nekuti vamwe havazivi, uye kuti vazowana mukana wekuvhotera makanzera avanoda, saka chirongwa ichi chakakosha zvikuru; taona kuti vanhu vanga vasingazivi, uye tine maafidavhiti atiri kufamba nawo, vamwe vanga vasingazivi kuti anowanikwa kupi. Asi kufamba kwataita vabva vamawana, saka chirongwa ichi chakwanisa kuita chinangwa chacho. Zvirikufamba zvikuru kunyange veZEC vati tiri kuita basa rakanaka,” Amai Zvarebwanashe vadaro.

Vamwewo vataura neStudio 7 vanga vasina kunyoresa vati vari kufara zvikuru nekuzowana mukana kwavaita nhasi vachiti gore rino vanotovhotawo sevamwe.

Rasta Bigboy Mwanza anoti gore rino vachatovhota nekuti vanovimba kuti michina yechizvino ye BVR ichaita kuti sarudzo dzisabirirwa.

This time chandi inspire. Ndiri kuona sekuti this time pane zvinhu zvinenge zvakati nakeyi, machanges ari nani , kare kose aka tai register asi tisingazovhoti; taiti chero tikavhota taingo rigiwa; taitya Mugabe asi ikezvino zvanaka; this year kwakachena tiri kutokurudzira kuti tose dai tikaenda kundovhota kuti zvinhu zvitifambire.”

Asiwo vamwe veMURRA vakaita saVaRichard Munyenye, vanga vachiita dzidziso yekuti vanhu vanyorese kuvhota, vati vange vachisangana nevanhu vakwanda vachiri kutadza kunyoresa kuvhota nenyaya yekushaiwa zvitupa pamwe nema birth certificate kubazi rinotoresa vanhu zvitupa iro ravari kupomera mhosva yekuvaomesera.

VaMunyenye vanoti, “Tasangana nevanhu vane matambudziko ezvitupa. Panyaya yezvitupa vari kuti wakaenda kwa registrar uko process iri kushandisiwa haiiti; kuri kutorwa vanhu 30 apo vari kuma 100, uye vari kuda ma documents ne ma witness saka vanhu havasi kukwanisa kuzvikwanisa, vari kuti dai vekwa registrar vaendawo pa ma center ne ZEC vachipa vanhu zvitupa ipapo vanhu vokwanisa ku register.”

Kanzura we Ward 7 mumusha weRujeko, VaRichard Musekiwa, vanoti vari kufara zvikuru nekunyoresa kwaita vagari nhasi uye nebasa raitwa rekukurudzira vanhu kuti vanyorese nemasangano akazvimirira.

“Tiri kukurudzira vanhu kuti vandorejisita pa mop-up exercise yaitwa nhasi uye vanhu varesponda vazhinji vakazarapo, tiri kuvabatsira ne ma proof of residents pachena, vanhu ngavauye vatore vainde kundoregista.”

Studio 7 yakundikana kubata mukuru weZEC muMasvingo, VaZex Pudurai, avo vangavachinzi havasi muhofisi, kuti tinzwe kuti chirongwa che mop-up ichi chatanga zvinoenderana netarisiro yavo here.

Chirongwa ichi chiri kuitwa nyika yose kubva musi wa 10 Ndira kusvika musi wa 8 Kukadzi mumatunhu makumi matanhatu nematatu emunyika, uye ZEC inoti iri kutarisira kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG