Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vari Muzvikoro zvePamusorosoro Voburana neHurumende


Turmoil Continues Within Zimbabwe National Students Union

Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro vanoti havafanirwe kubhadhara mari dzechikoro apo vanenge vachishanda basa rezvavanenge vachidzidzira.

Vadzidzi ava vanoti vanopedzesera vobhadhara mari yakawandisa nekuda kwekuti vanenge vachifanirwa kutsvaga mari yezvekufambisa kuenda kubasa kwavasingabhadharwe uye pekugara sezvo vasingawane basa munzvimbo dzavanogara.

Mumwe mudzidzi wepachikoro chikuru cheMidlands State University, VaArthur Bwanya, vanoti havafanirwe kunge vachibhadhara mari dzechikoro sezvo vasinga bhadharwe apo vanenge vachishanda.

VaBwanya vanoti vanopedzesera vobhadhara mari yakawandisa sezvo vachifanirwa kuzviriritira kubasa kwavanenge vachishanda.

VaBwanya vanoti mari yavari kubhadhara vari pa attachment yakawandisa iyo vanoti inongoshanda kuti vaziviswe kuti vakabudirira here kana kuti kwete paattachment.

Mumwe mudzidzi wepaChinhoyi University of Technology, CUT, VaTinashe Kawanzaruwa, vanoti havaone zvichikodzera kuti vabhadhare mari vari pa attachment sezvo panenge pasina midziyo yechikoro yavanenge vachishandisa.

Vachitaura pavaishanya neChina paCUT gurukota redzidzo yepamusoro, VaAmon Murwira, vakati hurumende haina hurongwa hwekumisa kubhadharwa kwemari yedzidzo nevadzidzi vanenge vari paattachment sezvo ichishandiswa mukufamba nekugara mumahotera kwevadzidzisi vanoongorora vadzidzi ava pavanenge vachishanda.

Izvi ndizvo zviri kurambwa nevadzidzi ava vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, izvo zviri kuita kuti vanhu vaomerwe nehupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG