WASHINGTON D.C. —
Mutungamiriri wenyika uye vari mukuru wezvikoro zvose zvepamusoro, kana kuti chancellor, VaEmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa neChina masikati kusangana nevadzidzi vemuzvikoro zvedzidzo yepamusoro nyika yose.
Musangano uyu uri kutarisirwa kuitirwa kuHarare International Conference Centre (HICC) muHarare.
Dingindira rekumusangano uyu rinoti kupa masimba nhasi kuvatungamiriri vamangwana, kana kuti ‘Empowering Tomorrow’s Leaders Today’.
Mutungamiriri we Zimbabwe Congress of Student Unions (ZICOSU), VaTakudzwa Gambiza vanoti musangano uyu wauya nguva yakanaka sezvo VaMnangagwa vari kuuya kuzotaura nevechidiki ava vachibva kunoparura bhanga revechidiki iro ravanga vakamirira kwenguva yakareba.
Facebook Forum