Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovharwa Nekuda kweChirwere cheCovid-19


One of the capped graduands with relatives and friends at Chinhoyi University. (Photo: Arthur Chigoriwa)

Hurumende yavharisa zvikoro zvose zvepamusoro soro zviri munyika nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chiri kupararira zvakanyanya.

Zvichitevera chisungo chakaitwa neMuvhuro nekomiti inoona nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika-Covid-19 National Task Force bazi rezvedzidzo yepamusoro soro ranyorera zvikoro zvose zvepamusoro soro kuti zvinge zvavhara nemusi weChishanu.

Bazi iri rinoti vadzidzi vari muzvikoro izvi vanofanirwa kubuda mudzimba dzavari kugara musi weChishanu usati wapfuura.

Hurumende inoti zvidzidzo zvichaenderera mberi vadzidzi vachishandisa madandemutande, kana kuti online education.

Gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, vati
chikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology, CUT, chiri kuvhara
panopedza vadzidzi varipo kunyora bvunzo neChishanu.

Amai Mliswa-Chikoka, avo vanove sachigaro wekomiti yeCovid-19 Provincial Task Force, vati zvichitevera kuwanikwa kwemudzidzisi mumwe chete ayine chirwere cheCovid-19 uyo akasangana nevadzidzi vakawanda
mukudzidzisa vari kuvhara chikoro ichi.

Patabvunza kuti sei vari kumirira kuvhara musiwe Chishanu, mutauriri
weCUT, VaTapera Musekiwa, vati vari kuvhara chikoro ichi neChishanu
kuitira kuti vadzidzi vari kunyora bvunzo dzavo vadzipedze neChishanu.

VaTapera vati vadzidzi vanga vachiuya kuzonyora svondo rinouya neMuvhuro havachauya kusvikira vazoziviswa nekufamba kwenguva.

Mutauriri weBindura State University, VaJames Gutura, vati havasati
vavhara asi vachange vavhara kusvika neChishanu.

Mutauriri weMidlands State University, Muzvare Mirirai Mawere, vatiwo vachavhara sekutaura kwehurumende vachiti vachagara pasi kuti
vatare zuva.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti danho ratorwa nehurumende rekuvhara zvikoro zvepamusoro rakanaka zvikuru.

Asi panyaya yepaCUT Dr Madzorera vati chikoro chinofanirwa kutevera
vose vakambosangana nemudzidzisi uyu kuti vaongororwe kuti havanawo
kubatira Covid-19 here.

Nyika dzakawanda dziri kuvhara zvikoro kuitira kuti vadzidzi nevarairidzi vasapinde panjodzi yechirwere cheCovid-19 icho chatekeshera pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG