Accessibility links

Breaking News

VaTendai Munyanduri Vanovimbisa Kuti Nyika Ichabudirira Kana Vakasarudzwa


Eng. Tendai Maranduri - New Patriotic Front
Eng. Tendai Maranduri - New Patriotic Front

Mutungamiri weNew Patriotic Front, VaTendayi Munyanduri, vanoti nyika ikatongwa nemagweta haibudirire nokudaro vanhu vanofanirwa kusarudza mutungamiri ane ruzivo rwesainzi, saivo.

VaMunyanduri, avo vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, vanoti nyika inoda kutungamirwa nemunhu ane ruzivo rwesainzi akaita saivo, sezvo vaine humhizha hwekutungamira vanhu vachifara.

VaMunyanduri vanoti vatungamiri vakaita saivo vane hunyanzvi hunoziva zvinoda vanhu muhupenyu hwavo kudarika vatungamiri vanova magweta semutungamiri webato reZanu PF VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance.

VaMunyanduri vanoti kana vakakunda musarudzo sekutarisira kwavari kuita, hurumende yavo ichapa makurukota basa zvichienderana kuti vane hunyanzvi hwebazi ravari kutungamira, kwete zviri kuitwa neZanu PF zvekupa munhu akaita saVaPatrick Chinamasa basa rezvemari, ivo vari gweta.

VaMunyanduri vanoti havasi kuunganidza vanhu mudzinhandare sezviri kuitwa nemamwe mapato, asi vari kutaura nevanhu mudzimba dzavo nemumabasa senzira yekupa vanovhota mukana wekubvunza mibvunzo.

VaMunyanduri vanoshora mapato akaita seZanu PF neMDC-T nekupemha mari vachiti mari dzavari kupihwa nedzavachapihwa, kutengesa zviwanikwa zvemunyika sezvo zvikwereti zvavanopihwa zviine zviga zvanofanirwa kuitwa.

Panyaya yemigwagwa isisafambike nekuda kwemakomba makomba ari mumigwagwa iyi, VaMunyanduri vanoti vachagadzira ndege nekuvaka nhandare mumaguta ose, kuitira kuti vanhu vaite mufamba nyore.

VaBester Munyeza vemuChinhoyi vanoti dzimwe pfungwa dzaVaMunyanduri dzakanaka asi dambudziko ndere kuti vanhu vashona vane mafungiro avo.

VaMunyeza vanoti VaMunyanduri vanofanirwa kusazvitutumadza kuti vakadzidza zvakanyanya sezvo zvichaita kuti varasikirwe nevavhoti.

VaMunyanduri vanoti vakasarudzwa semutungamiri wenyika musi wa 30 Chikunguru, vacharwisa huori munyika, kusanganisira vose vari kushanda muhurumende nemakambani ehurumende vari kutambira mari dzepazvinzvimbo zvavari zvavasingakodzere kuti vadzose mari dzavari kutambira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG