WASHINGTON D.C. —
Meya weguta reBindura, VaBrian Kembo, vanoti vanhu gumi vari kutyirwa kuti vakashaya mushure mekunge mumwe mugodhi wadhirika paKitsiyatota kuMashonaland Central.
Mumwe mugodhi wakambodhirikawo gore rapera muna Mbudzi paRan Mine mudunhu iri uye vanhu vanofungidzirwa kuti makumi matatu vakatsakatikiramo mushure mekunge vatadza kuburitswa nekushaikwa kwemichina.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Facebook Forum