Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoita Musangano weChimbichimbi neVarairidzi Mushure Mekunge Vayambira Kuti Havasi Kuzomaka Bvunzo


Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe, (kuruboshwe) nenhengo dzesangano ravo. (Photo" PTUZ)
Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe, (kuruboshwe) nenhengo dzesangano ravo. (Photo" PTUZ)

Masangano ose anomirira varairidzi asangana neMuvhuro nevamiriri vebazi rezvedzidzo pamwe neveboka rinoona nezvebvunzo, reZimbabwe Schools Examination Xouncil, ZIMSEC, kuti vazeye nezvemari dzinofanirwa kubhadharwa varairidzi vachanyoresa kana kumaka bvunzo gore rino.

Izvi zvinotevera yambiro yakanga yapiwa nevarairidzi yekuti vakanga vasiri kuzonyoresa kana kumaka bvunzo dzegore rino kana mari dzavanobhadharwa dzisina kuwedzerwa.

Varairidzi ava vaiti hurumende haisati yavabhadhara mari dzavo dzavakashandira makore adarika.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti vafadzwa nemafambiro aita musangano wavo, uye vavimbiswa kuti zvichemo zvavo zvichatarisiswa.

VaMajongwe vanoti vaudzwa kuti zvichemo zvavo zvakatosvitswa kuboka rePublic Service Commission, iro riri kutarisirwa kuzvisvitsawo kudare remakurukota.

Zvichakadaro, masangano evarairidzi anoti PTUZ neARTUZ, ari kurambawo zvakare kutambira zvikamu makumi manomwe nezvitanhatu zvakaiswa patafura nehurumende svondo rapera yekuwedzera vashandi vayo mihoro.

Sangano reAPEX Council riri kutarisirwa kusangana nevamiriri vehurumende neChipiri kuti vaedze kupeta nhaurirano dzemihoro yevashandi vehurumende.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG