Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vozivisa Kuti Vachatadza Kudzokera kuMabasa Pachavhurwa Zvikoro Mwedzi Unouya


Varairidzi vatozivisa kuti vanogona kutadza kudzokera kumabasa nekuti havana mari.
Varairidzi vatozivisa kuti vanogona kutadza kudzokera kumabasa nekuti havana mari.

Masangano anomirira varairidzi akawanda anoti haaoni nhengo dzawo dzichikwanisa kudzokera kumabasa sezvo dzisina mari dzekufambisa.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa neChishanu nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, kuti zvikoro zvichavhurwa musi wa 07 Kukadzi sezvo huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nedenda reCovid-19 hwadzikira.

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rakazivisa kuburikidza negwaro rarakaburitsa neChishanu kuti rinotambira chose hurongwa hwekuti zvikoro zvikasike kuvhurwa.

Asi sangano iri rinoti harioni nhengo dzaro dzichikwanisa kudzokera kumabasa nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.

Munyori weriwe sangano revarairidzi, reProgress Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanotiwo hurumende inofanirwa kuremekedzawo varairidzi, kwete kungokaruka yoti vadzokere kumabasa zvichemo zvavo zvisina kutorwa.

Mutauriri werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association, ZIMTA, VaGoodwell Taderera, vanotiwo chinhu chakanaka chose kuti zvikoro zvivhurwe sezvo vana varasikirwa nenguva yakakosha yekuti vange vachidzidza.

Asi VaTaderera vanoti hurumende inofanirwawo kunge ichivhurawo ziso rekuona kuti varairidzi vanodawo mihoro yakanaka kuti vakwanise kudzokera kumabasa.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaGoodwell Taderera
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG