Accessibility links

Breaking News

ARTUZ nePTUZ Dzoramba Kuita Nhaurirano neHurumende


Teachers
Teachers

Mamwe masangano anomirira vadzidzisi anoti haasi kuzopinda munhaurirano dzemari yemihoro nehurumende pasi peNational Joint Negoatiating Council achiti boka iri harisi pamutemo uye hurumende iri kushandisa boka kusarudza masangano evashandi vainoda kutaurirana navo.

Masangano maviri anomirira vadzidzisi munyika anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, pamwe nerevadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, azivisa pamusangano waaita nevatori venhau paAfrica Unity Sqaure kuti haasi kucherechedza boka reNational Joint Naegotiating Council, kana kuti NJNC, sezvo achiti boka iri harisi pamutemo.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati kupinda munhaurirano nehurumende vari pasi peNJNC kutyora bumbiro remitemo yenyika iro rinosungira hurumende kuti itaurirane nevashandi sekodzero yevashandi.

Zvataurwa naVaMasaraure zvatsinhirwa nemunyori mukuru muPTUZ, VaRaymond Majongwe, avo vatiwo havasi kuzotambira zvose zvichabvumiranwa nehurumende nemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende pavachaita nhaurirano nehurumende panyaya dzemihoro pasi peNJNC sezvo hurumende ichisarudza masangano ainoda kutaurirana nawo pasi pemutemo weStatutory Instrument 141 wemuna 1997 unobata nyaya dzevashandi vehurumende.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muApex Council, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 kuti vachaenda kumusangano uyu paunenge washevedzerwa negurukota rezvevashandi uyo wakatarisirwa munguva pfupi iri kutevera zvisinei nekuti ARTUZ nePTUZ varamba kupinda musangano uyu.

Asi VaMushangu vati havasi kuzobvuma kutambira mari shoma kubva kuhurumende sezvo vachiti mari iri kutambirwa nevashandi vehurumende ishoma zvikuru zvekuti vazhinji vavo havachakwanisi kuenda kumabasa.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chegurukota rezvevashandi, VaJuly Moyo, kuti tinzwe kuti musangano wanga wakatarisirwa kuitwa nhasi weNJNC uyu watadziswa nei kuitwa uye kuti uchazoitwa rinhi sezvo patavabata kasingaperi panharembozha yavo vanga vachiti vakabatikana.

Kunyange veARTUZ nevePTUZ vachiti havasati vatanga kuramwa mabasa, muzvikoro zvizhinji zvemuHarare manga muine vadzidzisi vashomanana uye mune zvimwe zvikoro vana vangavachitamba zvavo pasina anovadzidzisa.

Mumwe mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chiri kuTafara, VaMaxwell Ndlovu, vaudza Studio7 kuti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzemari yemihoro yevadzidzisi nekukasika kuitira kuti vasarasikirwe nemari vachibhadharira mwana wavo anenge asiri kunodzidziswa.

PTUZ inoti nhengo dzayo hadzisati dzatanga kuramwa mabasa asi dzichange dzichienda kumabasa kwemazuva maviri pasvondo yakamirira kuti hurumende itore matanho mukati memazuva gumi nemana akatarwa mumutemo kuti vashandi vazivise mushandirwi vasati vatanga kuramwa mabasa.

Asi VaMasaraure vati nhengo dzesangano ravo hadzisi kutokwanisa kuenda kubasa zvachose sezvo vachiti sevadzidzisi vekumaruwa ndivo vanonyanyoomerwa nehupenyu kana mari dzavari kutambirirswa dzisingavakwanire.

Vashandi vehurumende vanosanganisirawo vana chiremba vanoti vari kuda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica sezvo vachiti mari yavari kupihwa iye zvino yakafanana nemutero wembwa.

Asi nekune rumwe rutivi, hurumende inoti haikwanisi kubhadhara vashandi vayo nemadhora ekuAmerica sezvo ichiti homwe yayo yakabooka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG