Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yoramwa Mabasa Kutanga neChishanu


PTUZ Teachers Strike
PTUZ Teachers Strike

Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichatanga kuramwa mabasa mangwana richiti mari iri kutambiriswa vadzidzisi ishoma zvikuru.

Izvi zvouyawo panguva iyo sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions richiti riri kuenderera mberi nekuronga kuratidzira munyika yose.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti nhengo dzesangano ravo dzichatanga kuregedza kuenda kubasa neChishanu vachiti hurumende yaramba yakaisa zvimiti munzeve pachikumbiro chavo chekuti iwedzere vadzidzisi mari dzemihoro dzine musoro.

VaZhou vati sangano ravo rinoda kuti hurumende ivape mari inoita madhora mazana maviri ekuAmerica kana yakaringana nemari iyi ari maRTGS, kubhadharirwa mari dzechikoro dzevana vatatu pamudzidzisi wega-wega uye kupihwa masitendi ekuti vadzidzisi vakwanise kuvaka dzimba dzekugara.

Danho ratorwa nePTUZ rekutanga kusaenda kubasa mangwana rinouyawo apo mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vachiti nhengo dzesangano ravo dzichatangawo kurega kuenda kubasa neMuvhuro uye havasi kutambira zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvekurerutsa raramo yavo zvavapihwa nehurumende.

Munyori musangano rinomirira vashandi vari mune zvehutano reHealth Apex, VaEdwick Nhema, vanotiwo sezvo hurumende ichiti ine imwe mari yakasara pabhajeti renyika, inofanira kuvapa mari iyi kuitira kuti vakwanise kurarama.

ZCTU inotiwo iri kuenderera mberi nekuronga kuratidzira kwakasimba munyika yose.

Munyori mukuru muZCTU, VaJaphet Moyo, vati sangano ravo riri pakati pekunzwa pfungwa dzemasangano akawanda nezvenyaya yekuratidzira iyi vachiti kuratidzira uku kunogona kuitwa kubva svondo rinouya zvichienda mberi.

Danho riri kutorwa neZCTU iri rinouyawo panguva iyo hutungamiri hweZCTU huchiti huri kutyisidzirwa nepamusana pehurongwa hwekuratidzira uhwu.

Gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vaudza Studio7 parunhare kuti hurumende iri kunzwa zvichemo zvevashandi vayo uye vati vari kutsvaga nzira dzekuti nhuna dzevashandi dzingagadziriswa sei kubudikidza nekutaurirana pakati pavo sehurumende nevashandi pasi peTripartite Negotiating Forum.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG