Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Votsvaga Rutsigiro kuVabereki neVadzidzi Muhondo Yavo yeMihoro


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Mamwe masangano anomirira varairidzi pasi pesangano reFederation of Zimbabwe Educators Union (FOZEU) nhasi aita chisungo chekuti ave kupinza vabereki nevana vechikoro muhondo yawo yekuti hurumende ivape mihoro inogutsa.

Vachitaura neStudio7 vari kuHwedza mushure memusangano wavaita padandemutande, mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union zvakare vari sachigaro weFOZEU, VaOrbert Masaraure, vati vacharamba vachitaura nehurumende kuti nhunha dzavo dzigadziriswe.

Asi vati mukuita izvi vachashanda nevabereki nevana vechikoro uye vachatanga kuburitsa gwaro pasvondo rega rega rinenge richiburitsa mamiriro akaita zvinhu muzvikoro.

VaMasaraure vatiwo gwaro iri rinonzi Schools Situation Report richapawo varairidzi mukana wekuti vataure mamiriro akaita zvinhu muzvikoro, panyaya yedzidzo nedenda reCovid-19.

Vamwe vapindawo mumusangano wanhasi, VaJosphat Gwezhira, vanove munyori anoona nezvetsvakurudzo muProgressive Teachers Union of Zimbabwe, vati chimwe chisungo chabuda mumusangano wanhasi ndekuti vachaendesa hurumende kumatare kuitira kuti ivandudze mitemo yevashandi kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Vatiwo hurumende iri kuvadzvanyirira ndosaka vaona zvakakodzera kuti vachishanda nevabereki nevana vechikoro muzvese zvavanenge vachiita.

Mukuru wesangano rinomirira masangano evabereki muzvikoro kana kuti maSchool Development Associations, VaBanny Manokore, vaudza Studio7 kuti pari zvino havagoni kutsigira varairidzi vachiti chinodiwa kuti hurumende, varairidzi nevabereki vagare pasi voona kuti vangadzidirisa seyi nyaya dziri kunetsa.

Hatina kukwanisa kutaura mutungamiriri wenyika wevechidiki, Junior President Mukudzei Madzivire, kuti tinzwe divi revanavechikoro panyaya iyi.

Musangano wanhasi uyo wapindwa nemasangano akaita seARTUZ, PTUZ, Professional Educators Union of Zimbabwe neZimbabwe Democratic Teachers Union unotevera mumwe wakaitwa nemasangano anomirira varairidzi achitungamirirwa neZimbabwe Teachers Association nemusi weChitatu.

Mumwe murairidzi asina kuda kudomwa nezita uye asiri nhengo yemasangano anomirira varairidzi, audza Studio7, kuti zvakakosha kuti varairidzi vabatane kuitira kuti zvinhu zvavo zvifambe.

Pari zvino murairidzi anotambira mari yepamusoro soro anowana zviuru makumi maviri nezvishanu pamwedzi.

Varairidzi vanoti vanoda madhora mazana mashanu nemakumi maviri emadhora ekuAmerica kuitira kuti vagare zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG