Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voronga Kuti Vasabatirwa Mari dzePenjeni


RTUZ protest march
RTUZ protest march

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti sangano ravo rabatana nemamwe masangano anomirira varairidzi mukuparura chirongwa chekuti hurumende isavabatira mari dzemapenjeni sezvo varairidzi vari kutambira mari shoma.

VaMasaraure vati masangano abvumira kuti hurumende ndiyo inofanirwa kunge ichibhadharira vashandi vayo mari dzepenjeni.

VaMasarura vanoti vari kutora danho iri sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi kumushandi wese. Vatiwo mari dzavari kubatirwa pari zvino, hadzisi kubhatwa zvakanaka izvo vanoti zvinotyora kodzero dzavo pamwe nebumbiro remitemo yenyika.

Pari zvino vashandi vari kubatirwa mari inosvika zvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana semari yepenjeni.

Vatiwo masangano avo achatsvaga zviuru nezviuru zvevanhu kuti zvisaine petisheni ichazoiswa kuhurumende.

Vati pachaitwa hurongwa mushure mekuenganidza magwaro anenge asainwa hwekuenda kunoratidzira kubazi rinotambirisa vashandi vehurumende yeSalary Service Bureau.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa mamwe masangano evarairidzi kana achinge apindawo musangano waitirwa kwaChikwanha, kuChitungwiza, uyo wabuda nechisungo ichi.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kubazi rezvevashandi vehurumende kuti richaita seyi nedanho ratorwa nevarairidzi iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG