Accessibility links

Varairidzi vanoti vatambira nemufaro kubviswa kwevanga vaitwa gurukota rezvedzidzo yePrimary and Secondary, VaLazarus Dokora, muhurumende itsva yaVaMnangagwa vachiti Va Dokora munhu singateereri varairidzi.

Vaimbove mutevedzeri waVaDokoro, VaPaul Mavima, ndivo vave gurukota rezvedzidzo yePrimary and Secondary.

Mumwe wevarairidzi vataura neStudio 7, VaRobson Chere, vati vafaririra zvikuru kubviswa kwaVaDokora vachivapomera mhosva yekukanganisa dzidzo yemunyika.

Asi VaChere vatiwo chikumbiro chavo kuhurumende ndechekuti isangoendese VaDokora chete asi kuchinjawo hwaro hwedzidzo hwanga hwaitwa.

Sangano reAlmagamated Rural Teacher’s Union of Zimbabwe (ARTUZ) nderimwe ramasangano rakaratidzira VaMnangagwa vasati vasarudza makurukota ehurumende.

Sangano iri raive ragara rakumbira kumutungamiriri wenyika mutsva kuti VaDokora vabviswe kunyaya dzedzidzo.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati kunyange hazvo vafadzwa nekuenda kwaVaDokora, vapawo yambiro kuna VaMavima vakati vanenge vachiongorora gwara ravachatora munyaya yehwaro hwedzidzo huchange huchishandiswa.

VaMasaraure vatsanangurawo kuti kunyange hazvo hwaro hwedzidzo hwaifanirwa kuchinjwa, vati kushandura kwahwakaitwa naVaDokora handizvo zvavaitarisira.

Vanotungamirira sangano reProgressive Teacher’s Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vatiwo kunyange hazvo VaDokora vabviswa, havana kufadzwa nekuiswa pachigaro kwaVaMavima. VaZhou vati nekuda kwekuti VaMavima vaishanda pamwe nekutsigira VaDokora, havaoni musiyano pamakurukota maviri aya.

Hwaro hwedzidzo hwakashandurwa muna Ndira gore rino kunyange hazvo varairidzi vaiti vaisanzwisisawo zvaidiwa nehwaro hutsva uhwu izvo zvakakonzera nyunyuto.

Vamwewo vainyunyuta nehwaro uhwu nekuda kwekuti zvimwe zvidzidzo zvinoda muchina yemacomputer panguva iyo zvikoro zvekumamisha zvisina magetsi huye zvimwe zvidzidzo zvanga zvisati zvava nemabhuku ekuverenga evadzidzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG