Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Rinoti Varairidzi Vari Kuramwa Mabasa Vari Kutyisidzirwa


Varairidzi vakatanga kuramwa mabasa kubva pakavhurwa zvikoro mukupera kwemwedzi waGunyana vachiti mihoro yavo itarisisiswe.
Varairidzi vakatanga kuramwa mabasa kubva pakavhurwa zvikoro mukupera kwemwedzi waGunyana vachiti mihoro yavo itarisisiswe.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kutambira mashoko anoratidza kuti vakuru vakuru mubazi rezvedzidzo vari kufurufusha varairidzi vari pakuramwa mabasa kuburikidza nekumanikidza vatungamiri vezvikoro kuti vanyore mazita evarairidzi vanenge vari pabasa uye vasiri pabasa zuva rega rega.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti pamusoro pekutyisidzirwa kuri kuitwa varairidzi nevakuru vezvikoro uku, varairidzi vanogara pazvikoro vari kutyisidzirwawo nevamwe vanoita zvematongerwo enyika vachinzi kana vasiri kuenda kumabasa vanofanirwa kubuda mudzimba dzezvikoro dzavari kugara.

Asi Doctor Zhou vanoti havasi vese vatungamiri vezvikoro vari kutyisidzira varairidzi vasiri kukwanisa kuenda kubasa, vachiti vatungamiri vazhinji vari kuwirirana nehondo yavo yekurwira kuti mashandiro evarairidzi agadziriswe.

Studio 7 yatambirawo mashoko ekutyisidzirwa kwevarairidzi nevagari kubva kunzvimbo yeNerutanga kudunhu reBuhera North vachinzi vanofanirwa kubuda mudzimba dzavari kushandisa pazvikoro zvavanoshanda.

Tabata munyori mubazi rezvedzidzo, Amai Thumisang Thabela, asi vati vanga vari mumusangano vakati titaure nemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi ravo, VaTaungana Ndoro, avo tabata vakavimbisa kupindura mibvunzo yedu nekukasika.

Asi kusvika pataenda pamhepo, VaNdoro vanga vasati vadzoka kwatiri.

Kubva pakavhurwa zvikoro kupera kwemwedzi waGunyana, varairidzi vakawanda vanonzi vari kuti vari kukundikana kuenda kumabasa nekuda kwekushaya mari dzekufambisa.

Varairidzi ava vanoti vari kuda kuti mihoro yavo ifambirane nemari yekuAmerica iri pakati pemadhora mazana mashanu nemakumi maviri kana kuti US$520.00 nemazana mashanu nemakumi mashanu, kana kuti US$550.00 pamwedzi.

Doctor Zhou vanoti kutyisidzirwa uku hakusi kuzovatadzisa kuenderera mberi nekurwira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe.

Vanotiwo vachakangmirira musangano wavakavimbiswa nehurumende wekuti vazeye nezvemihoro yevashandi.

Doctor Zhou vanoti kuchine vamwe varairidzi, zvikuru vasiri pasi pemasangano evashandi, vangangosvika zvikamu zvisere kubva muzana vachiri kuenda kumabasa, asi vasiri kushanda.

Pari zvino varairidzi vakawanda vanonzi vari kutambira mihoro iri pasi pezviuru zvishanu zvemadhora emunyika, kana kuti ZWL$5 000.00 pamwedzi, iyo inonzi haichina zvairi kubatsira sezvo mhuri ine vanhu vatanhatu yave kunzi inoda mari inodarika madhora emunyika zviuru makumi maviri nechimwe pamwedzi.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG