Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanocherechedza Zuva reInternational Day of Education Vachitsutsumwa


Teachers Zimbabwe

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva redzidzo pasi rose nhasi nyanzvi dzichikurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kukonzera kutyorwa kwekodzero yedzidzo.

Mutungamiri we Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati zuva ranhasi rinopa mukana kuhurumende kuti itore matanho anosimudzira dzidzo munyika muzvikoro zveveruzhinji.

VaMasaraure vati hurumende inofanirwa kubatsira varombo kuitira kuti vana vavo vawane dzidzo yakakwana.

VaMasaraure vakurudzirawo hurumende kuti ibatsire zvikoro nemari vachiti zvikoro zvakadzorerwa shure nedenda reCovid 19.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vati dzidzo muzvikoro zveveruzhinji yafa. VaZhou vakurudzira hurumende kuti iise mari yakawanda mubazi rezvedzidzo kuti dzidzo isimuke.

VaZhou vati kuwanikwa kwedzidzo yakanaka imwe nzira yekuburitsa muhurombo vana vanobva kumhuri dzinoshaya.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati bazi ravo riri kukoshesa kugadzirisa zvinhu munyaya yezvedzidzo kuitira kuti pasawane vana vanosaririra

Zuva reInternational Day of Education rinokoshesa dzidzo senzira inounza budiriro nerunyararo pasi rose.

Zuva iri, iro rakatarwa neUnited Nations, rakatanga kucherechedzwa muna 2018 musi wa24 Ndira, uye izvi zvinoitwa makore ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG