Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kweVarairidzi Kwotambirwa Zvakasiyana Siyana muBulawayo


Takavafira Zhou
Takavafira Zhou

Varairidzi muBulawayo vatambira zvakasiyana siyana kurudziro yekuti varamwe mabasa vamwe mune zvimwe zvikoro vachienda kubasa semazuva ose ukuwo vamwe vange vari pabasa asi vasingadzidzise.

Ongororo yaitwa mune zvimwe zvikoro zviri muguta reBulawayo kusanganisira Baines Primary, McKeurtan Primary, Hugh Beadle Primary, Robert Tredgold Primary, neEveleine High School yaratidza kuti vadzidzisi vange vari pabasa semazuva ose vachidzidzisa vana.

Asi vanoziva zviri kuitika vaudza Studio7 kuti mune zvimwe zvikoro kunyanya zviri mumisha inogara veruzhinji Pumula North neSouth, vana vechikoro vakawanda vadzokera kumba nekukasika sezvo vadzidzisi vange vasina kuuya kumabasa uye avo vange vauya vange vasingadzidzisi.

Mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti kurudziro yemasangano anomirira varairidzi yekuti vadzidzisi vakande mapadza pasi yadavirwa zvine mutsindo.

VaZhou vati mashoko aburitswa mumapepanhau ehurumende ekuti gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, vakawirirrana nevemasangano evadzidzisi ndeekunyepa vachitiwo havazi kuzodzokera kumashure kana hurumende ikasanzwa zvichemo zvavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo panyaya iyi.

Munyika mune varairidzi vanosvika zviuru zana nemakumi maviri nezvishanu muzvikoro zveprimary nesecondary uye pane masangano mapfumbamwe anomiririra varairidzi kusanganisira PTUZ, Zimbabwe Teachers Union, ZIMTA pamwe neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ.

VaZhou vatiwo vari kushushikana nenyaya yekuti dzimwe nhengo dzemasangano anomiririra vadzidzisi dziri kushungurudzwa asi vati kuramwa mabasa kwavo hakunei nezvematongerwo enyika.

Vamwe vabereki vataura neStudio7 vati hurumende inofanirwa kuratidza kuti inokoshesa dzidzo nekunzwa zvichemo zvevarairidzi.

Mumwe mugari angozvidoma nezita rekuti Amai Gumbo ati kuramwa mabasa kwevarairidzi kunogona kukanganisa kuvandudzwa kwedzidzo kuri kuitika munyika.

Mumwewo mubereki, Amai Fortune Moyo, vatiwo vana vacharasikirwa nenguva yakakosha sezvakamboitika makore a2007 ne2008 apo vadzidzisi pamwe nevamwe vashandi vehurumende vaitadza kuita mabasa avo nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi.

Sevamwewo vashandi vemamwe mapazi ehurumende, varairidzi vave nenguva yakareba vachichema chema nenyaya yekuda kuwedzerwa mari yemuhoro asi hurumende inosimba nerekuti haina mari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG