Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro dziri kukundikana kuenda kumabasa nekuda kwekushaya mari yekufambisa dziri kushungurudzwa nevakuru vezvedzidzo mumatunhu pamwe nevanofungidzirwa kuti vasori.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond majongwe vanoti sangano ravo riri kuwana zvinyunyuto izvi kubva kumatunhu anoti Chikomba, Mudzi, Mutoko ne Murehwa kuMashonaland East, Chipinge kuManicaland neku Gwanda mudunhu reMatabeleland South.
VaMajongwe vanoti vakuru vedzidzo mumatunhu aya vari kutyisidzira varairidzi vasiri kuenda kumabasa ava, uye vari kuvashevedza kumisangano inenge ichikokerwa nevasori, uko varairidzi ava vari kutyisidzirwa vachimanikidzwa kuti vadzokere kumabasa.
Asi mukuru wezvedzidzo mudunhu reChikomba kana kuti district schools inspector, Va Emmanuel Kwenda, varamba kuti havana ruzivo nezvenyaya iyi, uye vati hakuna zvakadaro zviri kuitika mudunhu ravo.
Hatina kukwanisa kunzwa divi revasori panyaya iyi sezvo nhare yemumwe mukuru mudunhu reMashonaland East yanga isingaiti.
Facebook Forum