Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voshushikana neMashoko aVaMnangagwa


Emmerson Mnangagwa
Emmerson Mnangagwa

Varairidzi vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutambisa nguva yavo vachityityidzira varairidzi vasiri kuenda kumabasa, Varairidzi ava vanoti dai VaMnangagwa vatsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko remihoro rakatarisana nevarairidzi munyika.

Varairidzi vakawanda vanoti vari kukatyamadzwa zvikuru nemashoko emutungamiri wenyika avakataura kwaMutare vachiti hurumende yavo haizobvumi kumanikidzwa kuita zviri kudiwa nevarairidzi vakati vasiri kuenda kumabasa vachanyimwa mihoro yavo.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vati hurumende ndiyo iri kutombunyikidza varairidzi nekuvamanikidza kuti vaite zvisingagoneki.

VaZhou vati nyaya iripo ndeyekusakwana kwemihoro nekudaro hurumende inofanirwa kugadzirisa kuti varairidzi vawane mari inoita kuti vararame pamwe nekukwanisawo kuendesa vana vavo kuzvikoro.

Vachipindura panyaya yekuti hurumende haina mari yekupa varairidzi, VaZhou vatiwo zvinovashamisa kuti vamwe vashandi vehurumende vakadai semasoja nemapurisa vari kutambira mari yakawanda kudarika varairidzi. VaZhou vatiwo hurumende ngaiise pachena mari dziri kutambirwa nevashandi vese muhurumende vachiti hazvibatsiri kuti vamwe vashandi vehurumende vanotambira mari yepamusorosoro vamwewo vachitambira mari isingakwani kuti vachengete nhuri dzavo.

Munyori mukuru musangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, vati chero vakanyimwa mari nekuti havasi kumabasa hazvina musiyano wakanyanya sezvo mari yacho yavari kutambira iri shoma shoma zvichienzaniswa nemari inodiwa kuti munhu ararame pamwedzi wega wega.

Mutungamiriri weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundani, vatsinhirawo vachiti varairidzi vane chido chakanyanya chekuenda kubasa asi vakati hazvibatsiri kuvati vaende kumabasa ivo vasina zvikwanisiro zvakakwana zvinoita kuti vaveko.

VaGundani vatiwo vakazvipira kuita musangano nemutungamiriri wenyika kuitira kuti vanyatsovaonesa zviri kusangana nevarairidzi.

Varairidzi vanoti vanoda mari dzemihoro dzinoenderana nemadhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica, uye kuti kuzvikoro zvese kuitwe hurongwa hunobatsira kudzivirira kutapuriranwakwechirwere cheCOVID-19 kuti hutano hwavo nehwevadzidzi huchengetedzwe.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa kuti tinzwe divi ravo pamshoko ari kubva kuvarairidzi.

Vachitaura kwaMutare nezuro mushure mekushanyira nzvimbo dzakavhiringwa nedutumepengo reCyclone Idai kuChimanimani, VaMnangagwa vakati, hurumende yavo hayaizobvuma kumanikidzwa kuita zviri kudiwa nevarairidzi, vakatiwo vose vari kuramwa mabasa, vachashaya mihoro yavo.

Asi masangano evarairidzi ari kuramba akatsika madziro achiti hurumende inofanirwa kutanga yagadzirisa zvichemo zvavo kuitira kuti vadzokere kubasa.

Vana sorojena varere muhapwa dzemakomo vakasiya vataura kuti panorwa mikono, uswa ndihwo hunokuvara.

Ichi ichokwadi sezvo kunetsana kwehurumende nevarariridzi kuri kuvhiringa dzidzo yevana vechikoro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG