Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanocherechedza Zuva Ravo Pasi Rose reWorld Teachers Day


World Teachers Day
World Teachers Day
Varairidzi vemuZimbabwe vabatana neChishanu nevamwe varairidzi vepasi rose mukucherechedza ruva revarairidzi pasi rose, kana kuti World Teachers Day. Rimwe remasangano evadzidzisi muZimbabwe rinoti hurumende inofanirwa kubhadhara vadzidzisi mari dzebhonasi yegore rino kuitira kuti vashandi vehurumende vasaramwe mabasa.

Vachitaura pamhemberero dzekurangarira zuva iri, munyori mukuru weZimbabwe Teachers’ Association, Zimta, VaRichard Gundane, vati hurumende inofanirwa kubhadhara vadzidzisi mari yebhonasi gore rino senzira yekudzivirira kukandwa kwemapadza pasi nevadzidzisi.

VaGundane vati nyaya yevashandi vehurumende inofanirwa kubatwa nehungwaru sezvo zvichikanganisa mafambisirwo emabasa kana ikasabatwa nemazvo.

VaGundane vati kunze kwenyaya yebhonasi yevarairidzi, hurumende inofanirwa zvakare kubhadhara vadzidzisi vekumaruwa mari dzekubatsirikana allowances, sezvo vachisangana nematambudziko akawanda kudarika vanoshandira mumaguta.

Mumwe vevadzidzisi vange vari pamhemberero idzi, VaKudzanai Saruchera, vepachikoro cheSheni Primary School mumusha weDangamvura, vatiwo vakasuruwara nemashoko ehurumende ekuti gore rino hakuna bhonasi kuvadzidzisi.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakabuda pachena kuti Zimbabwe haina mari yekubhadhara vashandi vehurumende mabhonasi egore rino. Asi VaBiti vanoti vari kuedza napose pavanogona napo kuti vawanire vashandi vehurumende mari dzemabhonasi.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa musi wa 5 Gumiguru muna 1994 apo sangano re UNESCO rakaona zvakakodzera kuti varairidzi pasi rose varemekedzwewo sezvinoitwa vamwe vashandi pasi rose

Vadzidzisi vaungana pamuzinda we Zimta maMutare vabva kumatunhu manomwe emuManicaland kuzopemberera zuva revadzidzisi iro rinocherechedzwa pasi rose gore rega musi wa 5 Gumiguru.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG