Accessibility links

Breaking News

Bhiri reMutemo Mutsva weMitero Roshorwa kwaMutare


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Vagari vekwaMutare vabatana nevemabhizinesi mukushora bhiri remutemo unoda kuvandudza mitero inobatwa nehurumende, vachiti mutemo uyu uchaomesera vanhu vari kutambura nechekari pamwe nemakambani ari kutatarika.

Izvi zvabuda pamusangano wekuzeya bhiri iri wanga wakarongwa nekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti.

Vachipa pfungwa dzavo pamusoro pebhiri iri, vachangosiya chigaro chemutungamiri wesangano re Confederation of Zimbabwe Industries, VaHenry Nemaire, vati vemaindasitiri vacharamba zvachose kuti mari dzemitero dziwedzerwe, sezvo makambani mazhinji asiri kushanda zvakanaka nekuoma kwakaita zvinhu munyika.

VaNemaire vanotiwo hazvina musoro kuti vakuru vakuru vemakambani vatereswe motokari dzavanoshandisa kuti vange vari pabasa nenguva, vakatiwo hurumende inofanirwa kubata zvakafanana vashandi vemakambani nevashandi vehurumende panyaya dzemitero.

Imwe nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, uye vari mugari wemaMutare. VaSondon Mugaradziko, vanoti bhiri iri harina kumira zvakanaka sezvo richida kubatira mitero kuvana veZimbabwe vari kunze kwenyika.

VaMugaradziko vanoti kunze kwekuda kubatira mitero vanhu ava, vari kunze kwenyika havazi kuwana dzimwe kodzero dzavanofanirwa kunge vainadzo.

Mumwe wevamwe vanhu vange vari mumusangano uyu uye vari nhengo yeMavambo Khusile Dawn, VaGeorge Hukuimwe, vanoti bhiri iri riri kubaya vanhu panyama nhete sezvo pasina makambani akawanda ari kushanda pari zvino.

Vachipawo pfungwa dzavo pachiitiko ichi, Ambuya Lucia Kuitirwa, vatiwo vanoshuvira kuti bhiri iri riyamure vakwegura avo vari kuchengeta nherera. Bhiri iri richange richibhadharisawo mitero kune vanhu vose vanowana mari kuburikidza nekutengesa zvinhu, uye vachange vachisungirwa kubvisa mitero iyi kana pagore.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti, Va Weber Chinyadza, vanoti chinangwa chekushanya kwavo ndechekuda kunzwa pfungwa dzevanhu idzo vachasvitsa kuvakuru veparamende svondo rinouya.

Komiti iyi iri kufamba mumaguta ichinzwa pfungwa dzavanhu, uye ichange iri kuMasvingo neChina.

Bhiri iri rakagazetwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, muna Ndira 2012, uye hurumende iri kuda kuti mutemo mutsva uyu utange kushanda muna Ndira 2014, ndokana bhiri iri ratambirwa neparamende.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG