Accessibility links

Breaking News

Mauto Anofadza Vanhu muGweru Achifora Zvikuru Vechidiki


Some members of the Zimbabwe National Army attended Heroes Day on Monday and Defence Forces Day on Tuesday.
Some members of the Zimbabwe National Army attended Heroes Day on Monday and Defence Forces Day on Tuesday.

Vamwe veruzhinji muGweru vacherechedza zuva reDefence Forces Day vachiona mauto achifora munhandare yeMkoba Stadium asi vamwe vati havawone kukosha kwezuva iri.

Vakawanda vevanhu vange vari munhandare yeMkoba Stadium umu vange vari vechidiki avo vange vachiratidza kufadzwa nekufora kwange kuchiita vechiuto senzira yekucherechedza zuv iri.

Nhengo yevechidiki muZanu PF yakakundwa musarudzo yemumiriri weGweru Urban, VaEsau Nhatare, vati zuva reDefence Forces rakakosha uye rinoratidzawo kukoshesa vechiuto kunoita hurumende.

Mumwe mugari, Muzvare Vimbai Moyo, vatsinhirawo kukosha kwakaita mauto emunyika vachiti anobatsira kuchengetedza runyararo.

Asi mumwewo mugari wemuGweru uyo angozvidoma nezita rekuti Tarwirei ati kunyange hazvo zvakakosha kuve nezuva rekucherechedza kukosha kwakaita vechiuto munyika, anoona sekuti zororo rerwendo runo rinosvibiswa nekuurayiwa kwakaitwa vanhu vatanhatu nemauto mumhizizhonga yakaitika muHarare masvondo maviri apfuura.

Mudzidzisi wezverunyararo nebudiriro pane chimwe chikoro chepamusoro soro VaDidmus Dewa, vanoti zororo rakadai seDefence Forces Day rinofanirwa kukosheswa neveruzhinji asi dambudziko rinowanzoitika nderekuti bato reZanu PF rinoita kuti chiitiko chakadai chiite kunge ndechebato kwete chenyika.

Gurukota redunhu reMidlands, VaOwen Ncube, ndivo vange vari munyarikani pachiitiko chanhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG