Accessibility links

Breaking News

Tajamuka/Sesijikile Yopa Hurumende Mazuva Mashomashoma eKuti Igadzirise Zvinhu


Mutungamiri weTajamuka/Sesjikile, VaPromise Mkwananzi vanoti vanhu vacharatidzira kana zvinhu zvisina kugadziriswa.
Mutungamiri weTajamuka/Sesjikile, VaPromise Mkwananzi vanoti vanhu vacharatidzira kana zvinhu zvisina kugadziriswa.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reTajamuka/Sesijikile, rinoti riri kupa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mazuva mashoma-shoma ekuti igadzirise zvinhu munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika, kukundikana kwayo vanhu vanozopinda mumigwagwa nehuwandu hwavo.

Izvi zvinotevera kukwira kunonzi kwakaita chingwa kubva pamadhora maviri nemasendi makumi matatu kuenda pamadhora matatu nemasendi makumi mashanu kutanga svondo rino.

Mukuru wesangano iri VaPromise Mkwananzi vanoti chinorwadza ndechekuti mitengo yezvinhu zvinodiwa nevanhu nguva dzose iri kukwira, asi mihoro isina kwairi kuenda.

VaMkwananzi vanoti sangano ravo harisi kuzopa vehurumende mukana wekufema kana vasina kugadzirisa zvinhu nekukasika, vachiti kukundikana vanhu vachaita zvakaonekwa kunanaAlgeria nekuSudan zvekubuda vachipinda mumigwagwa vachishandisa nzira dzine runyararo mukati.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vehurumende kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG