Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mukuru weVatongi Anosarudzwa neJSC


Justice Godfrey Chidyausiku
Justice Godfrey Chidyausiku

Dare repamusoro reSupreme Court nemusi weMuvhuro rakatenderana neJudicial Service Commission, JSC, kuti zvayakaita zvekubvunzurudza vatongi vanoda kutora chigaro chemukuru wematare ave kuenda pamudyandigere, Justice Godfrey Chidyausiku, zviri pamutemo.

Vatongi vakapa mutongo uyu vanoti VaBen Hlatshwayo, VaBharat Patel naJustice Vernanda Ziyambi.

JSC yange yakwira kudare iri ichipikisa mutongo wainge wapihwa nedare repamusoro reHigh Court wekutenderana nemumwe mudzidzi wepaUniversity yeZimbabwe, VaRomeo Zibani, avo vainge vati zvainge zvisina kukodzera kuti JSC ive nechekuita nekusarudzwa kwemutongi wematare.

VaZibani vaiti vaida kuti mutemo uvandudzwe kuitira kuti mutungamiri wenyika chete atenderwe iye kudoma mutongi mukuru wematare.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovazve gurukota rezvemitemo, vanotiwo mutemo uyu unofanira kuvandudzwa sechikumbiro chaVaZibani.

Mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Rose Hanzi, vanoti vafara zvikuru nemutongo wapihwa nedare.

Hurukuro naMuzvare Rose Hanzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG