Accessibility links

Breaking News

Dare reSupreme Court Rinoburitsa Mujeri Nhengo Mbiri dzeMDC, VaMaengahama naVaMadzokere


Mudzimai waVaLast Maengahama, Amai Georgina Maengahama
Mudzimai waVaLast Maengahama, Amai Georgina Maengahama

Dare repamusorosoro reSupreme Court raburitsa mujeri nhengo mbiri dzeMDC, VaLast Maengehama naVaTungamirai Madzokere, avo vanga vari mujeri kwemakore gumi mushure mekupomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa kuGlen View muna 2011.

Dare iri rati hapana humbowo hunoratidza kuti vaviri ava vakapara mhosva yavanga vachipomerwa.

Vatongi vedare reSupreme Court vanoti Amai Rita Makarau, Amai Elizabeth Gwaunza pamwe naAmai Susan Mavangira, varasa mutongo wakaturwa nedare repamusoro muna 2016 wekuti VaMaengehama naVaMadzokere vapike kwemakore makumi maviri pamhosva yavanga vachipomerwa yekuponda mupurisa VaPetros Mutedza mumusha weGlenView muna Chivabvu 2011 pamhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika yakaitika panzvimbo yemabhizimusi mumusha uyu.

Vachitura mutongo wedare iri, Amai Makarau vati hurumende yakatadza kupa humbowo hunonwisa mvura hunoratidza zvechokwadi kuti vasungwa ava ndivo vakaponda VaMutedza vachiti dare repamusoro reHigh Court raifanira kurasa nyaya iyi payanzwikwa.

Dare ratiwo hapana humbowo hunoratidza kuti vasungwa ava vakaita zvavakaita vaine chinangwa chimwe chete chekuuraya VaMutedza saka nokudaro dare raona zvakakodzera kuti mutongo wakaturwa naVaChinembiri Bhunu usendekwe parutivi.

Rimwe remagweta evaviri ava VaCharles Kwaramba vaudza Studio 7 parunhare kuti vafara zvikuru nemutongo wedare Supreme Court vakati vanga vasiri kukwanisa kutaura zvakawanda sezvo vanga vari mubishi kugadzirisa mapepa ekuti VaMaengehama naVaMadzokere vabuditswe mujeri zvichitevera mutongo wedare uyu.

Mudzimai waVaMaengehama, Amai Georgina Maengehama, vati vafara zvikuru vachiti hupenyu hwanga hwavaomera kwemakore masere apfuura murume wavo paange ari mujeri nemhosva yaasina kupera.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vatiwo mutongo uyu unoratidza pachena kuti hurumende yeZanu PF iri kushandisa matare kuzadzisa zvido zvayo.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaObey Shava, vakurudzira VaMaengehama naVaMadzokere kuti vakwidze nyaya yavo kumatare kuti vagoripwa kugara kwavakaita mujeri kwenguva refu vasina mhosva.

Asi gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vaudza Studio 7 parunhare kuti mutongo waturwa nedare nhasi unoratidza zviri pachena kuti matare emunyika anoshanda akazvimirira.

VaMaengehama naVaMadzokere vakasungwa pamwechete nedzimwe nhengo dzeMDC makumi maviri nenomwe asi dzimwe nhengo idzi dzakawanikwa dzisina mhosva.

Mumwe akabatwa nemhosva, Muzvare Yvvone Musarurwa, vakaburitswa mujeri mushure mekunzwirwa tsitsi nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muna 2018.

Pakatongwa nyaya iyi, nhengo dzeMDC idzi dzairamba mhosva dzichiti dzaishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG