Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eChibuku Super Cup Opera neSvondo


Chibuku super cup
Chibuku super cup

Vatsigiri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vachange vakaungana muMandava Stadium neSvondo vachipemberera kusvika kumagumo emakundano emukombe weChibuku Super Cup.

Premier Soccer League yamisa mitambo yese yeligi ichipa nguva kufainari yeChibuku Super Cup iyo iri pakati peFC Platinum neNgezi Platinum Stars muMandava Stadium nemusi weSvondo.

Chimwe chezvikwata izvi chichabuda nemukombe pamwe nemari inoita iyo madhora zviuru makumi manomwe nezvishanu pachapera mutambo uyo uri kuunganidza mhuri yenhabvu muZvishavane.

Hapana mangange mumutambo uyu sezvo zvikwata izvi zvikatadza kupedzerana munguva yakatarwa mutambo uyu unopedzwa nemapenareti.

Asi aimbotambira maWarriors, Dumisani Mpofu, anoti mutambo uyu wakaoma zvekuti zvikwata izvi zvicharwa kusvika muextra time asi hazvizopinda mumapenareti.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaMathias Kufandirimbwa, vanoti chiri kunakidza pamutambo uyu ndechekuti zvikwata izvi zvakanangana nekufadza vateveri vazvo nekutora mukombe zvisingatarise zvemari iripo

Zvikwata izvi zvakambosangana mufainari yemakundano mamwechetewo muna 2016, Ngezi Platinum Stars ikakunda muBaobab Stadium.

Gore rino, zvikwata izvi zvasangana mumitambo miviri muMandava Stadium, chimwe chezvikwata izvi, chichikunda mumutambo mumwe chete.

Murairidzi weFC Platinum, Norman Mapeza, achange achitarisira zvibodzwa kubva kuna Kelvin Madzongwe, Innocent Muchaneka, naRonald Chinyengetere kuti akunde mumutambo wakakosha uyu.

Ngezi Platinum Stars ichange isina Denver Mukamba uyo akakuvara asi Rodwell Dhlakama ane chivimbo kuti

Bruno Mtigu, Gerald Takawira, Qadr Amini, Wellington Taderera, na Frank Makarati, vachange vachidya marasha semazuva ese.

Mpofu, uyo akambotambira zvekare Caps United, anoti semaonero ake pakugumisira, FC Platinum ndiyo ichakunda asi nezvibodzwa zvishoma - shoma.

Asi muteveri weNgezi Platinum Stars, Muzvare Fungai Muzanenhamo, vanoti mukombe ndewavo.

Pamusoro pemukombe nemari, chikwata chinotora mukombe uyu chinobudirira kumiririra nyika mumakwikwi eCaf Confederation Cup.

Zimbabwe yanga isina chikwata mumakwikwi emuAfrica aya mumakwikwi maviri apfuura.

Highlanders ndiyo yakapedzisira kutora mukombe weChibuku Super Cup uyu muna 2019.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG