Accessibility links

Breaking News

Zvirongwa zveStudio7 Shona neStudio7 Ndebele Zvinosvitsa Makore Gumi neMasere


programs-studio7

Veruzhinji vari kurumbidza nhepfenyuro yeStudio7 nekusvitsa kwayaita nhasi makore gumi nemasere ichitepfenyura zvirongwa zveShona neNdebele, mushure mekung chirongwa cheChirungu chatanga musi waNdira 27, 2003.

Vanhu vakawanda vanoterera Studio7 vati inhepfenyuro iyi inokoshesa mashoko echokwadi mukutepfenyura kwayo isina divi rainorerekera.

Mumwe mutereri weStudio 7, VaMoyowatidhii Angirayi, varumbidza nhepfenyuro iyi vachiti inotepfenyura zvine hunyanzvi pamwe nekubudisa mashoko echokwadi.

VaAngirayi vatiwo mune ramangwana vangafare zvikuru kana Studio7 kaitawo chivhitivhiti muZimbabwe.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, kana kuti MISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vatiwo nhepfenyuro iyi inobatsira zvakanyanya zvizvarwa zveZimbabwe kuti zviite sarudzo mushure mekuwana ruzivo rwezvinenge zvichiitika munyika.

VaMoyo vatiwo apo nyika iri kunetsekana nedenda reCovid-19 vanoda kuti Studio 7 irambewo ichipakurira veruzhinji ruzivo nedzidziso.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vatendawo Studio7 vachiti yabatsira budiriro munyika kuburikidza nekutepfenyura isina kwayakarerekera uye ichibuditsa pfungwa dzemunhu wese zvisinei nebato rezvematongerwo enyika raanotsigira.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vanoti vabuda panhepfenyuro iyi kakawanda. VaMangwana vatiwo Studio7 inhepfenyuro inoshanda zvakanaka ichiremekedza zvinotarisirwa kubva kuvapepeti venhau.

VaMangwana vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakabvumidza kuti nhepfenyuro iyi ishande zvayo yakasununguka munyika vakatiwo vanofadzwa nekuti nhepfenyuro iyi yakapa mabasa kuzvizvarwa zveZimbabwe.

Chirongwa cheStudio7 Shona, icho chakaparurwa pamwe chete nechirongwa cheStudio7 Ndbele, chakatanga kutepfenyura musi wa 7 Kubvumbi mugore ra2003 vashamarari vari muchakabvu Carol Gombakomba naChampion Chigwedu, mupepeti mukuru ari Ray Choto.

Vatori venhau muZimbabwe vaisanganisira Blessing Zulu, Rashweat Mukundu, muchakabvu Tendai Ndemera, Michael Kariati, Godwin Mangudya, Loirdham Moyo, Thomas Chiripasi, Praxedes Jeremiah, Brenda Moyo, uye Basildon Peta ari muSouth Africa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG