Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosangana neZviuru Zvakawanda zveVanhu muPretoria


VaMnangagwa
VaMnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana nezviuru nezviuru zvezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa vachitaura nazvo pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

VaMnangagwa vaudza vanhu vaungana pamuzinda weZimbabwe uri muSouth Africa kuti vadzoke kumusha kuitira kuti vabatsire hurumende yavo mukuvaka Zimbabwe.

VaMnangagwa vaudza mhomho yavanhu ava kuti hurumende yavo yakazvipira kushanda nevekunze vanoda kudyara mari dzavo muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa vari kuedza kuda kuratidza veruzhinji kuti maitiro avo akasiyana zvikuru nemaitiro evaimbove mutungamiri weZimbabwe, VaRobert Mugabe.

VaMugabe, avo vakatonga Zimbabwe kwemakore makumi matatu nemanomwe, vakabviswa pachigaro nemauto pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy.

Rwendo rwaVaMnangagwa nderwekutanga kubuda kunze kwenyika vari mutungamiri wenyika kubva zvavatoreswa mhiko yekuva mutungamiri wenyika mwedzi wapera.

VaMnangagwa vaperekedzwa nechipangamazano chavo chikuru, VaChris Mutsvangwa; gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo; gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa; gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Va Joram Gumbo; gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, pamwe nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba.

Hurukuro naMoreblessing Mujoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG