Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Voratidzira Vachiti Vanoda Kuti Varairidzi Vaite Basa Ravo


Students
Students

Vadzidzi vemuzvikoro zvepasi varatidzira pamuzinda webazi redzidzo yepasi vachikumbira kuti hurumende idzore varairidzi muzvikoro pamwe nekuti bvunzo dzekupera kwegore dziiendeswe mberi sezvo pasina kudzidza kuri kuitika zvikoro.

Vadzidzi varatidzira ava vange vachisanganisira nhengo dzeparamende yevechidiki, nhengo dzemakanzuru evechidiki, pamwe nesangano revadzidzi ava rinomirira vatungamiri vevadzidzi muzvikoro.

Mutauriri weparamende yevechidiki, VaJayden Christopher Mutasa, vati vakatumwa nevadzidzi vemuzvikoro zvese munyika kuti vasvitse zvichemo zvavo kugurukota rezvedzidzo yepasi, VaCain Mathema.

VaMutasa vati zvichemo izvi zvinosanganisira kuti varairidzi vadzoke muzvikoro.

VaMutasa vati aka ndekekutanga vadzidzi vemuzvikoro zvepasi vachitora matanho akadai nekuti bazi ravo harisi kupindura matsamba enyunyuto avakautumira kumuzinda webazi iri pamwe nemahofisi ebazi iri mumatunhu ese gumi munyika.

Vatiwo kana VaMathema nehurumende vakaramba vakaomesa musoro, vacharamba vachiratidzira nemusi weChishanu masvondo ose.

Mumwe mudzidzi, Tinotenda Hwata wekuKuwdzana East, audza Studio 7 kuti vadzidzi varatidzira nekuti pave nemwedzi miviri bazi rezvedzidzo risiri kupindura zvichemo zvavo.

Mutauriri mubazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti vanzwa kuti pane vadzidzi vambosvika pamahofisi avo asi vakarambidzwa kupinda mukati.

Vati havaoni sekuti vadzidzi ava vanomirira vadzidzi vese vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu vari kunyora bvunzo gore rino.

Vatiwo vanoziva zvichemo zvevarairidzi uye nyaya iyi yave kugadziriswa nemutungamari wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Varairidzi vakakwanda munyika vanoti havachakwanisi kuenda kubasa nekuti mari yavanotambira haichakwani kuti vaende kubasa.

Mune imwe nyaya bato reMDC – T iri kufanotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe nezuro rakadomwa nhengo dzaro dzichatungamira makomiti mana mudare reNational Assembly.

VaPeter Moyo ndivo vatora chinzvimbo chakasiiwa naVaCharlton Hwende kukomiti yeInformation, Communication and Technology, Muzvare Yvonne Musaruwa ndivo vave sachigaro wekomiti yenharaunda nekushanyirwa iyo yakasiiwa naAmai Concillia Chinanzvavana,kozotiwo Sipho Makone ndiye ave sachigaro wekomiti yezvekuburitswa kwemashoko iyo yakasiiwa naVaPrince Dubeko Sibanda.

VaHwende, VaSibanda naAmai Chinanzvavana vakadzingwa mudare iri nebato iri.

Amai Lindiwe Maphosa ndivo vave sachigaro wekomiti yedzidzo yepamusoro uye vari kutora chinzvimbo ichi kubva kunaVaDaniel Molokele.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG