Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi Vanoti Havadzokeri Kubasa Kusvika Zvichemo Zvavo Zvagadziriswa


Vadzidzisi vari pakuramwa mabasa
Vadzidzisi vari pakuramwa mabasa

Vamwe vadzidzisi vari kuramwa mabasa vanoti havasi kuzodzokera kubasa kana hurumende isati yavapa mari yavari kuda kunyange vari kutyisidzirwa kuti vachabvisirwa mari yemazuva avanenge vasina kushanda.

Mumwe mudzidzisi ari nhengo yeProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Amai Betty Munonyara, avo vasiri kuenda kubasa, vanoti sezvo vachimiririrwa nePTUZ, vachanzwa kwairi kuti vodzokera kubasa here kana kuti kwete, kwete zvekunzwa kuhurumende.

Amai Munonyara vanoti vadzidzisi vari kuenda kumabasa vanotya kana kuti havana sangano rinovamirira, nekudaro vanotya kuti vakadzingwa mabasa hapana anovamiririra.

Mumwe mudzidzisi, VaClifford Manzungu, vanoti hurumende iri kuda kuvatyisidzira nekuti vachabvisirwa mazuva avanenge vasiri pabasa pamwe nekucherechedza masangano asina nhengo dzakawanda.

Sachigaro wePTUZ mudunhu reMashonaland West, VaAustin Mutapa, vanoti vari kuudza nhengo dzavo kuti dzisatye kubvisirwa mazuva sezvo izvi zvichifanirwa kutaurwa nematare edzimhosva kwete hurumende nekuti kuramwa mabasa kwevadzidzisi kuri pamutemo.

VaMutapa vanoti vadzidzisi vakawanda vari kuratidza kuda kuve nhengo dzesangano ravo uye vadzidzisi vakawanda vari kuvafonera vachida kunzwa kuti vachiri nhengo here.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvedzidzo yepasi, Va Paul Mavima, kuti vachabata seyi nyaya yevarairidzi.

Asi mutauriri wePublic Service Commission, Dr Hungwe vakaudza vatori venhau nezuro kuti vadzidzisi vose vasiri kuenda kumabasa vachabvisirwa mari yemazuva avanenge vasina kushanda mwedzi uno.

Mune zvimwe zvikoro kuBulawayo nedzimwe nzvimbo, vana vechikoro vari kuswera vachitamba kunhandare vadzidzisi vari mumba yekutandarira kana vari pachikoro, asi vasingaite basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG