Accessibility links

Breaking News

Vana Mukoti Voungana muAfrica Unity Square Vachibatsira Veruzhinji


Vana mukoti vachiratidzira

Vana mukoti vari kuramwa mabasa vaungana neChishanu muAfrica Unity Square muHarare vachipa ruzivo kune veruzhinji munyaya dzehutano asiwo vachitsidza kuti havasi kuzodzokera kuzvipatara zvehurumende kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomiririra vakoti reZimbabwe Nurses Association (ZINA), VaEdwin Nhema, vati vanamukoti havasi kuzovhundutsirwa nekudzingwa mabasa sezvakataurwa nehurumende.

VaNhema vati hurumende haisi kukoshesa hutano hweveruzhinji kana vachida kutora vana mukoti vange vave pamudyandigere vachivapinza basa. VaNhema vati vanamukoti ava vakura zvekubata basa nemazvo.

Mumwe mukoti, VaHilliary Tapiwa Mboko, vaudza Studio7 kuti vana mukoti vari kurararama hupenyu hunorwadza nekusiririsa zuva nezuva.

VaMboko vati varikuda kuti hurumende ivapewo mari inoenzana neinopihwa vamwe vana mukoti munyika dzirimudunhu reAfrica.

Nyamukuta Tsitsi Darare vatiwo mashoko ari kutaurwa nehurumende ekuti kuramwa mabasa kwavo kune chekuita nezvematongerwo enyika handizvo.

Nyamukuta Darare vati vanongoda kukosheswa nekupiwa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo.

Mumwezve nyamukuta, Amai Hamu Chipinduko, vati sezvo vachipiwa mari yavo iri mabhondi, inenge yakadereresa zvakanyanya sezvo mitengo yezvinhu yakasiyana nekuti urikushandisa mari ipi.

Amai Chipinduko vatiwo havana musiyano wavari kuona pakati pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa neyavaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.

Sangano reZINA raudzawo nhengo dzaro kuti vachiri muhurukuro nehurumende uye vavimbiswa kuti hakuna achadzingwa basa nekuda kwekuramwa mabasa uku.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende nekuda kwenharembozha dzanga dzisiri kudairwa.

MuAfrica Unity Square maiswawo makadhibhokisi ekuti vane zvinyunyuto panyaya yana mukoti vanyorere kuhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG