Vana Chiremba nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe vari kurumbidza mabasa evaimbove gurukota rezveutano, Dr Timothy Stamps, avo vakashaya neSvondo.
Imwe nhengo ye Zimbabwe Association of Doctor’s for Human Rights, Dr Nicholas Wazadza, vati nyika yarasikirwa zvikuru nenyanzvi munyaya dzezveutano.
VaWazadza vanoti vanorangarira VaStamps nekuvaka pamwe nekugadzirisa zvipatara zvehurumende.
VaWazadza vatiwo kunyange hazvo VaStamps vanga vave pamudyandigere, vanga vachiri kushanda mukusimudzira bazi rezveutano.
Vanotungamirira sangano reZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Dr Edgar Munatsi, vanotiwo Dr Stamps vakasimudzirawo zvipatara zvakawanda zvekumamisha.
Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanotiwo guta reHarare rinorangarira Dr Stamps nemabasa avakabata muguta iri. VaManyenyeni vanoti Dr Stamps munhu anga akazvipira mubasa rezvekusimudzira hutano
VaStamps, avo vakamboita mukuru webazi rezvehutano mukanzuru yeHarare ichanzi Salisbury munguva yeRhodesia, vakaitwa gurukota rezveutano kubva mugore ra1986 kusvika mugore ra2002.
Vashaya vaine makore makumi masere nerimwe.
Facebook Forum